Votsigira dzidzo…Sangano rekuUK rakapa $37 miriyoni

SANGANO reDepartment for International Development (DFID) rekunyika yeUnited Kingdom riri kutsigira budiriro yedzidzo yemuZimbabwe ne$37 miriyoni iyo ichabatsira vadzidzi nevarairidzi vanosvika 4 miriyoni pasi pechirongwa cheEducation Development Fund.

Zvimwe zvichashandiswa mari iyi zvinosanganisira kutsigirwa kwehomwe dzezvikoro zvinova zvinobatsira kuti nyika ive nedzidzo yemhando yepamusoro, zvikuru kuvana vanotambura avo vari muzvikoro zvekumaruwa.

“Mari iyi ichashandiswa kuburikidza nesangano reUnicef ichifambiswa maringe nedonzvo rebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari,” akadaro Annabel Gerry, uyo anove mukuru weDFID muZimbabwe muchinyorwa chakabva kusangano iri.

Anoti rutsigiro urwu rwunoratidza kuzvipira kweUK mukutsigira dzidzo yemhando yepamusoro munyika muno.

VaReza Hossaini, vanove mumiriri weUnicef muZimbabwe, vanoti mari iyi ichabatsira zvikuru mukusimudzira dzidzo muZimbabwe.

“Kuburikidza nekutsigira dzidzo, vadzidzi vanodarika 4 miriyoni vachabatsirikana pamwe nevarairidzi,” vakadaro VaHossaini.

“Kuburikidzawo neruzivo rwechizvino-zvino uye kupasa kuri kuita vadzidzi, zvinoratidza kuti DFID, Hurumende nevamwe vatsigiri mumakore mashanu adarika vari kuita basa guru.

“Dambudziko riri munyika muno ndere kushaikwa kwezvekushandisa zvakakwana muzvikoro,” vakadaro.

Vanoti chinangwa chavo ndechekuona kuti dzidzo yemuZimbabwe yasimukira kuburikidza nekuongorora mabasa ari kuitwa nevadzidzisi muzvikoro, kuve nedzidzo yepamusoro uye ongororo yezvidzidzo zvacho kuti pave neshanduko.

Zvakadaro, homwe yeEDF nguva yadarika yabatsirawo nezvakasiyana zvakaita sekupa mari kuzvikoro 5 800, kugoverwa kwemabhuku ekuverenga nemidziyo yekushandisa muzvidzidzo zveScience kuzvikoro zvesekondari.

Pamusoro pezvo, vadzidzi 54 000 vakabatsirwa nemari yechikoro pamwe nekupa zvekushandisa kuvadzidzi vakaremara.

DFID isangano rine vatsigiri vakawanda uye rakavambwa muna2009 nedonzvo rekutsigira dzidzo.

Kusvika pari zvino, mari inosvika US$105 miriyoni yakaunzwa nevatsigiri vanoti UK, Germany neEuropean Union.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×