Zvibhorani 800 zvovandudzwa

Kingstone Mapupu
MUKURU wemadzishe kudunhu reMashonaland Central, Mambo Nembire VaClemence Nyabvudzi, vari kurumbidza chirongwa cheHurumende chekuvandudza zvibhorani zvinosvika 800 zvemudunhu iri uyewo nekuchera zvimwe zvitsva hunova hurongwa huri kubatsira kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 nekuwanisa veruzhinji mvura yekushandisa yakachena.

Vanoti chirongwa ichi chiri kuitwa nebazi reDistrict Development Fund (DDF).

“Nzvimbo zhinji dzemudunhu redu reMashonaland Central hadzinaye mvura yakaringana nekudaro vebazi reDDF riri kuchera zvibhorani zvitsva nekugadzirisa zvagara zviripo. Danho iri rakasimba zvikuru sezvo zvichiita kuti vanhu vazowana mvura inovakwanira toita hutsanana huzere zvinova zvinofambirana nedonzvo resangano reWorld Health Organisation (WHO) pakurwisa Covid-19,” vanodaro Mambo Nembire.

Vanoenderera mberi: “Tinonzwa kubva kunyanzvi dzedu muno kuti mudunhu redu rose mune zvibhorani zvinodarika 3 000 apo zvinosvika 800 zvakafa. Izvozvo ndizvo zviri kugadzirwa.

“Pane hurongwa zvakare hwekucherwa kwezvibhorani zvitsva zvinokwana makumi mashanu uye basa iri rakatotanga.”

Vanoti nzvimbo dzinonaya mvura zvakanaka mudunhu ravo dzinosanganisira Mazowe, Chiweshe, Shamva, Bindura neCentenary asi dzimwe dzakawanda inonaya shoma.

“Semukuru wemadzishe kuMashonaland Central, kutenda kwangu kukuru ndakamirira mamwe madzishe nekuda kwechirongwa cheHurumende ichi. Kutaura kuno, tine nzvimbo idzo vanhu vari kunwa mvura yemumifuku munzizi umo munonwawo mhuka semombe nembudzi,” vanodaro Mambo Nembire.

Vanoti chirwere cheCovid-19 chinoda kudzivirirwa nemvura kuitira kukoshesa hutsanana.

Mambo Nembire, avo vakaita hurukuro neKwayedza panhare vari pane chimwe chipatara chemudunhu ravo vakamirira kuvhenekwa chirwere cheCovid-19, vanokurudzira veruzhinji kutevedzera zvose zvinodiwa mukurwisa chirwere ichi.

“Izvozvi ndiri kuchipatara ndichimirira kuongororwa denda ranetsa iri. Ndinoti ngatitevedzei zvose zvatinonzi tiite, kukosorera muhapwa, torega kuungana, togeza maoko edu nguva dzose uye tozora iyo mishonga inouraya hutachiona,” vanodaro Mambo Nembire.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×