Mayunivhesiti akakweshana

Abel Ndooka

SACHIGARO wekomisheni yeZimbabwe Human Rights Commission (ZHRC), Dr Elasto Mugwadi, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro kubvira kupuraimari kusvika kuyunivhesiti vadzidziswe pamusoro pebumbiro remutemo wenyika nechinangwa chekuti vazive kodzero dzavo.

Dr Mugwadi vakataura mashoko aya apo vaive mumwe wemajudge pamakwikwi eZHRC Tertiary Institutes Debate Competitions ekupemberera zuva reWorld Human Rights

Day ayo akaitwa nemusi weMuvhuro uno muHarare.

Zuva iri rinopembererwa nemusi wa10 Zvita gore roga-roga.

Mayunivhesiti mana anoti University of Zimbabwe, Great Zimbabwe University, Midlands State University neZimbabwe Ezekiel Guti University ndiwo akakwikwidza mumakwikwi egore rino.

Dr Mugwadi vanoti vana vezvikoro kubva kuzera repuraimari vanofanirwa kudzidziswa zviri mubumbiro remutemo.

“Makwikwi egakava pakati pemayunivhesiti tenge tichida kuona kuti vana vari kuziva mutemo here, zviri mubumbiro remutemo wenyika. Kana vana vachiziva mutemo zvakakosha kuti vazive zvekare kodzero dzavo.

“Mutemo wakakosha nekuti hapana ari pamusoro pemutemo,” vanodaro.
Mayunivhesiti akakwikwidza aya aiita makakatanwa pamusoro penyaya mbiri dzinoti

Hurumende inofanirwa kuongorora zvinoitika padandemutande reSocial media uye kuti vana vabva zera vanofanirwa kukurukura nevabereki vavo kana vafunga kuenda pabonde, kuita vana nekubvisa mimba.

Dr Mugwadi vanoti pagakava iri, vakanzwa vadzidzi vachikakavadzana zvikuru vachitaura mashoko anoratidza kuti vane ruzivo rwakadzama pamusoro pekodzero dzavo uye nebumbiro remutemo wenyika.

Gore rino, ndiro rekutanga makwikwi egakava aya achiitwa.

Dr Mugwadi vanoti kutanga gore rinotevera, makwikwi aya achakura zvekuti achange ave kuitwa muzvikoro zvepuraimari nesekondari.

“Gore rino ndiro rekutanga uye tinotarisira kukura kwawo gore rinotevera. Tichaita makwikwi aya tichishevedza zvikoro zvakawanda tichiongorora kuti vana vari kudzidziswa here zvebumbiro remutemo wenyika uye kuti vari kuziva kodzero dzavo here,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *