FLOYD Mayweather (Jr) acharikita vatambi vose vetsiva vanokwikwidza muboka rewelterweight paanodzoka mumutambo uyu, sekutaura kwababa vake avo vanove murairidzi wake.‘Money’, sezita remadunhurirwa raMayweather (Jr), akasendeka magirovhosi ake etsiva mugore ra2015 asi vazhinji vanoti achadzoka zvakare mumutambo uyu.
Apo vanhu vari kutaura nezvekudzoka kwake mumutambo uyu, baba vake Floyd Mayweather (Sr) vanoti ari kuuya zvakare zvine mutsindo.
Muhurukuro yavakaita neOn the Ropes Boxing Radio vakati: “Muchashamisika nekuona matambiro aFloyd. Muchashamisika zvikuru. Kana akagadzirira kurwa, ndichamira-mira kuti akunde uye achahwina.
“Ndinoziva tsiva zvakanyanya uye ndinoziva zvinhu zvakawanda zvekumubatsira kukunda vamwe vatambi ava variko, avo vari kufunga kuti vanogona kutamba kusvika pana Floyd. Vatambi ava vangoriko uko, sekutaura kwandaita, ndinogona kubatsira Floyd kuti aite zvaagara achingoita makore adarika. Ndinokuudzai kuti anozviita, zvekuvabika vose.
“Ndinofunga kuti Floyd anokunda vamwe vatambi variko avo kana vakapinda vose munhandare. Ndinofunga kuti Floyd anovabhura vose.
“Haana nguva ndefu asiya tsiva. Ane nguva hake ambomira kwete nguva yakanyanyisa.” – Sky Sports.




