. . .hatisati tatanga gadziriro
. . .tiremekedziiwo – Mighty Warriors
DAMBUDZIKO rekushaikwa kwemari nesangano reZimbabwe Football Association (Zifa) rotadzisa chikwata chenhabvu chenyika chemadzimai chemaMighty Warriors kupinda mukembi kuti chichitanga gadziriro dzekuenda kumutambo weAfrican Cup of Nations uyo uchatambirwa kuCameroon kutanga musi wa19 Mbudzi uchizopera musi wa3 Zvita.
MaMighty Warriors aifanirwa kunge akatanga gadziriro dzawo svondo rapera nemusi weSvondo asi nanhasi haazive kuti achatanga rinhi sezvo Zifa isina mari.
Murairidzi wemaMighty Warriors, Shadreck Mlauzi, anoti haazive kuti gadziriro dzavo dzichatanga rinhi sezvo vakaudzwa neZifa kuti parizvino hapana mari yekuti vapinde mukembi.
Izvi, anodaro Mlauzi, zvave kudzosera basa ravo kumashure sezvo iye pamwe nevaanoshanda navo vanga vane hurongwa hwavo pamusoro pegadziriro idzi.
“Pabepa titoti takatanga asi basa chairo handizive kuti rinotanga rinhi. Sangano redu harina mari yekuti titange gadziriro dzedu saka tichangomirira kunzwa kubva kwavari.
“Izvi zvakashata nekuti zviri kutidzosera shure zvakanyanya. Tine hurongwa hwatange tichida kufamba nahwo asi takangomira izvezvi tisingazive kuti tichafamba nenzira ipi. Ndinovimba kuti izvi zvichagadziriswa nekuchimbidza nekuti tinoda kufambisa basa sebasa,” anodaro.
Chikwata chake, anodaro Mlauzi, chikasagadzirira nguva ichiripo zvinovatadzisa kutamba zvakanaka sezvavakaita pavakenda kumitambo yemaOlympics kuRio de Janeiro, kuBrazil nguva pfupi yadarika.
MaMighty Warriors akakundwa mitambo yawo mitatu yose muboka rawo iro raive nezvikwata zvinoti Germany, Canada neAustralia.
Mlauzi anoti apo vakatarisana nekuenda kuCameroon, haadi kuti zvakaitika kuBrazil zvidzokoredzeke nekuti ari kuda kuti chikwata chake chinokunda kuAFCON.
“Isu hatitye kana munhu, takazvirakidza patakaenda kuBrazil nematambiro edu. Asi dai takawana nguva yakakwana yekugadzirira tingadai takasvika kure asi ndizvo zvavepo uye takangozvitambira.
“Iye zvino apo tatarisana nekuenda kuCameroon tinoda nguva yakawanda yekugadzirira nekuti zvikwata zemuno hatizvitye tinogona kuzvikunda.
“Nhabvu yedu yatinotamba inoyevedza zvikuru uye tiri kuvaka chikwata chakasimba,” anodaro Mlauzi.
Anoti chishuwo chake kuti Zifa ichatora matanho akasimba ekuti gadziriro dzavo dzifambe zvakanaka sezvo vakwanisa kubudirira kuenda kunokwikwidza kumitambo miviri mikuru yepasi rose mugore rimwe chete – yemaOlympics neAFCON.
Anoti kunyangwe mari ichinzi inoshaikwa zvakakoshawo kuti vatambi vake vambopihwawo kamubairo kekungotenda basa ravanobata rekusimudzira mureza wenyika.
“Hongu, zvinhu tinongonzwa kuti zvakaoma pose asi pane zvimwe tabudirira kuenda kumitambo miviri mikuru pasi rose izvi zvinofanirwa kutendwawo nekupihwa rukudzo.
“Mari iri kunetsa kwose asi zvimwe zvinhu zvega zvinokodzera kungoremekedzwa,” anodaro.
Mlauzi anoti maMighty Warriors asati aenda kuAFCON anoda kuti atambe mitambo yehushamwari neGhana, Namibia, Cameroon neNigeria kuti akwanise kuongorora vatambi vake kuti vanokwanisa here kuenda kunohwina mukombe kuCameroon.
Zvakadaro, mukushi wemashoko kuZifa, Xolisani Gwesela, svondo rapera pamberi akati sangano ravo harina kana kobiri mudura maro panguva iyo zvikwata zviviri zvenyika zvinoti maMighty Warriors nemaWarriors zvakatarisana nemitambo yeAFCON.
Gwesela anoti vakatonyora matsamba kumasangano akasiyana vachikumbira rubatsiro rwekuti zvikwata izvi zvikwanise kuenda kunokwikwidza.
MaWarriors achange achienda kuGabon gore rinotevera muna Ndira kumutambo weAFCON.




