Mazitombo 2 akafamba l Zvava kuda chivanhu: Mambo

KUDUNHU raMambo Chihota kunonzi kwakaitika manenji munguva pfupi yadarika apo mazitombo maviri, akakura zvekukura zviya, akafamba kubva panzvimbo paaiva kwechinhabwe uye rimwe racho rakaonekwa rakadhindika tsoka yemunhu.

Izvi zvinonzi zvakaitika kunzvimbo inoyera kumahombekombe kwerwizi rwaZongororo, kwaGukuta.

Zvikomo zvine mazitombo akafamba izvi zviri pakati pemisha inoti waSabhuku Gukuta uyo unotungamirirwa naVaPaul Kuzvidza Shayamakumbo newaZirata uyo uri pasi paVaHerenmore Zirata.

Panzvimbo yakaitika izvi pane mapako anonzi aigara madzitateguru ekwaChihota vemutupo weMazvimbakupa.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora (41), vanotsinhira manenji aya vachiti vakaridzirwa nhare apo vaiva kuHarare vachiziviswa nezvechiitiko ichi.

Vanoti vakazoenda panzvimbo iyi ndokuzvionera uye mushure memazuva mashoma, vakazonzwa kuti rimwe dombo raiva rafamba roga zvakare, iro rinonzi raive rakadhindika tsoka yemunhu.

“Mudunhu mangu makaitika chisionekwi kwaSabhuku Gukuta, matombo maviri akafamba pamazuva akasiyana uye vanhu vakawanda vari kubva kunzvimbo dzakasiyana vachinoona matombo aya,” vanodaro.

“Ndakanosvikako ndashevedzwa ndikazvionera. Dombo rekutanga rakafamba kwechinhambwe kubva paraimbova kare. Rechipiri rinonzi rakazofambawo ndabvako panzvimbo imwe chete iyi rikanomira rakavambirana nerimwe racho, iro rinonzi rakadhindika tsoka yemunhu mukuru,” vanodaro Mambo Chihota.

Panzvimbo inonzi yakafamba nematombo aya pakapfumbira kurakidza kuti pane chinhu chikuru chakadarika nepo zvisinei kuti miti haina kuwira pasi kunze kwehuswa chete hunoita sehwakatsva.

Matombo aya anonzi ose akakunguruka nguva dzemasikati apo nzvimbo iyi yaitinhira zvikuru pamwe nekundengenyeka kwepasi. “Vamwe vanhu vanoti pakufamba kwematombo maviri aya, kunharaunda iyi kwakatinhira vamwe vakatobuda mudzimba vachida kuona zvaiitika. Pane mumwe murume anoti akatiza kumba akabata ndiro yaiva nesadza avhunduka ruzha rwakaitika,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanoti nzvimbo ine mazitombo akafamba oga aya inoyera uye mumakomo acho munoonekwa shato dzakawanda nguva imwe chete idzo dzinopinda mumvura mukarwizi karipo, Zongororo. “Kutinhira uku kunonzi kwakanzwikwa chinhambwe chemakiromita makumi maviri kubva panzvimbo iyi, kunosvika kwandinogara kwaFuramera,” vanodaro.

Vamwe vevanhu vakatiza kutinhira uku vaisanganisira vana vechikoro nevadzidzisi vavo.

Aka ndekekutanga kuitika mashura akadai mudunhu iri uye Mambo Chihota vanoti vanoda kuona vezvemamiriro ekunze nenyanzvi dzezvezvicherwa kuUniversity of Zimbabwe kuti vashanyire nzvimbo iyi vagoongorora kuti chii chakakonzera kuti matombo aya afambe.

“Hamheno, dzimwe nguva ndiyo yavanoti ‘land tremor’ hatizive. Tinoda kuti zvitariswe pamwe kuchazoitika zvimwe zvichauraisa vanhu. Vamwe vagari vemisha iri pedyo neapa vanoti zvikomo izvi zvine goridhe, iro rinoda kuitirwa chivanhu kuti ribude,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanoti vachaunganidzawo masvikiro emudunhu ravo kuti vagovapira pamusoro pechiitiko ichi uye potsvagwa zvingaitwa.

Related Posts

Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara. Akazivikanwa saPraise Chibwanda. Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa…

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×