Mudhumeni Mukuru Ivan Craig
ZVAITAURWA nevanoona nezvemamiriro ekunze, Meteorological Department zvava kubuda pachena, kunzvimbo zhinji dzandafamba ndiri kuona chibage chichine uupenyu zvekuti mvura ikanaya, varimi vanokwanisa kukohwa. Asika, vamwe havasati vadyara zvachose.
Kune avo vane mumera, itai mabasa amunofanirwa kunge muchiita akafanana nekuchengetedza zvirimwa, kusakurira pamwe nekutenga fetireza yeTop nemishonga yetupembenene kuitira kuti panongonaya mvura muwanikwe makagadzirira.
Nguva yange yarebesa mvura isati yadzoka saka varimi tarisirai kuti zvirimwa zvisinei kuti mbesa haiteti zuwa kana kuti imbeu ine mwaka mupfupi zvakaita sei, kana kuti imhando inokurudzirwa mudunhu menyu, chero sora chairo zvinogona kutadza kurarama zvichikonzerwa nekupisa kwekunze.
Asi munguwa yatinenge takamirira mvura ngatiwanikwei tichigadzirira kuti mvura kana ichinge yadzoka tikwanise kukohwa yakawanda igopinda pasi kuitira kuti mumera wakaita sechibage ugokwanisa kutumbuka nekupakata.
Avo wasati vawana mvura ndinoti chinanganai nezvimwe zvirimwa zvemwaka mupfupi zvisingateti zuva zvakafanana nembambaira, bhinzi nemaringazuva. Chibage munogona kurima tsoko pachindima chiduku.
Handingakuudzei zvinoshanda bhinzi asi maringazuva anotengeswa kune vanosvina mafuta, vanogadzira chikafu chezvipfuyo kana kutengesera vanogadzira tumwe tudyo twemumahotera.
Marimirwo emaringazuva:
Ino yava nguwa yatinokurudzira varimi kuti varime maringazuva. Maringazuva akarimwa mukutanga kwemwaka anoibvira mumvura ogumisira ava kuora.
Ichi chirimwa chisingateti zuva uyezve chisingadi mvura yakawanda.
Mbeu munosarudza yemuchitoro yakauchikwa kana kuti yeOPV inenge yakurudzirwa nemurimisi wenyu weAGRITEX.
Dzinofanirwa kunge dziri mbeu dzinozvidzivirira kuzvirwere, nekuti mukangonhonga chero mbeu, inogona kutadza kukupai gohwo rakanaka kana mafuta mashona.
Maringazuva tinorimira gohwa rematani mana pahekita nemafuta anosvika makumi mana nemairi muzana rega-rega zvichikwira (42% oil content and above).
Maringazuva anobvuma muivhu rose asi risina manematodes uye risingavave (pH) zvekare risingajengi mvura.
Anoda mbeu inoita 6kg pahekita. Munoda fetiriza yeCompound L yamunodyara nayo ine huwandu hwe250kg pahekita.
Chirimwa ichi hachidi fetireza yeTop yakawanda, munoisa 100kg pahekita pamasvondo matatu kana mana kubva musi wekunaya mvura.
Maringazuva anodyarwa 90cm kubva pamutsara kuenda pane mumwe mutsara ne30cm kubva pagomba rembeu kuenda parimwe gomba.
Mbesa dzikawanda pahekita maringazuva anotetepa ozotyoka pagunde (stalk lodging).
Akashomeka pahekita anotipa zimusoro zihombe rinozopedzisira roremera mutsipa rotyoka zvakare torasikirwa negohwo.
Maringazuva ane tupembenene tunoabatawo, tumwe tunonzi semi-looper, African bollworm, cutworm, seed bug, tip wilter. Mukaona achioma kuchinaya kana tupembenene, udzai murimisi wenyu weAGRITEX kuitira kuti mubatsirwe neruzivo rwemishonga.
Pane zvirwerewo zvinobata maringazuva zvakawanda uye shanyirai murimisi wenyu kuti akubatsirei neruzivo rwemishonga.
Zvirwere netupembenene zvemaringazuva zvinogadziriswa nekukavanisa mbesa mwaka wega-wega nekugara minda yakachena.
Maringazuva anoratidza kuibva kwawo kana mutsipa nemusoro zvasanduka ruvara kuita brown.
Anochekwa nemawoko oiswa paruware kana patende kuti anyatsooma ozopurwa nekupepetwa asati atengeswa kana kusvina mafuta ekushandisa pamwe nekutengesa muchizviitira mari.
Mafufu acho munogona kutanga kuchengeta huku, mashanga munoisa mudanga mombe dzodya zvimwe zvoworera kuita manyowa ekuzoisa mumunda.
Varimi vefodya; fodya inoda hutsana kuti ipe shizha rakanaka, garai minda yakachena isina sora, bvisai masakatire epamusoro ese nekuchimbidza uye tyorai fodya neminda yayo moichengeta neminda yayabva.
Kuti fodya ibude zvakanaka, inoda kutyorwa zvakafanana zvichienderana nekuibva kwayo.
Dzimba dzekupisira fodya ngadzicheneswe zvakanatsokwana musati maisa imwe fodya.
Ngatisimei mipiranga nguva iripo.
MAKWIKWI:
Mubvunzo wesvondo rino:
Tiudzei nguva inorimwa maringazuva.
Nyorerai mhinduro pafomu riri pazasi motevedza zvose zvinodiwa.
Kuti muzive zvakawanda, ridzai nhare dzinoti 0773 296 072.




