Ticha Danga
POSHI piri dzavatsuro, dzavatsuro
Pamutanda mumwe, mutanda mumwe
Wakapedza vana, kupedza vana
Nehubvukubvuku . . .
Ichi chimbo chaimbwa makarekare apo vanhu vaizama kuratidza kuringana kwezvinhu kubudikidza nekuverenga.
Zvinoratidza zvega kuti nhau yekuverenga yakabvira pasi chigare kuitira kuti vanhu vakwanise kuona upfumi hwatutsira kana kutaramuka.
Kana naiko kufamba kwenguva chaidzo kwakaonekwa kukosha nekudaro vakagona kutumidza mazuva mazita nekuaronga sekudai: vakare vaiti zuva rekutanga kwesvondo ndiro Chiposhi nekudaro rakanzi Muvhuro. Ndiro raiva zuva ravo raitanga asi nekuuya kwechiKirisitu, zuva chairo rekutanga iSvondo iro rakamuka Jesu.
Kubva kuhurongwa hwamadzitateguru, zuva rinotevera Chiposhi (Muvhuro) ndiChipiri.
Chipiri chinoteverwawo neChitatu zvichingodondana kupinda muChina neChishanu.
Kunozouya zuva rechitanhatu iro rinonzi Mugovera. Iri izuva rakakosha kumaKirisitu nekuti ndiro zuva rakazorora Mwari kusika nyika. Nekudaro izuva dzvene rinocherechedzwa nezvitendero zvakawanda.
Mukupedza zuva roga-roga zvakaonekwa kuti tinosangana nezvidimbu zvenguva maringe nezvinenge zvichiitika.
Pane mipatsa yakatarwa yezvidimbu zvezuva nehusiku.
Tinomuka kazhinji zuva richibuda kusvika parinozorova nhongonya. Nguva iyi tinoiti mwangwanani.
Mukati memangwanani imomo panosvika nguva inenge zuva rati kwirei apo panobuda kamushana. Ndiyo inonzi nguva yerudziyakamwe.
Kubva mumangwanai tinopinda mumasikati, inova nguva yerupisa nhova. Masikati aya anotisesedza kusvika munguva yakunenge kotonhorera zuva rorereka. Nguva iyi inonzi yerudeukira.
Rudeukira rwunosvika apo zuva rinenge roda kunodoka apo zvikomana zvinenge zvoenda kunozarira mombe.
Nguva iyi ndipo panorohwa zvikokohwiya nemheterwa navajana vemombe.
Mushure merudeukira kunouya mavira kana madoka zuva apo rinopinda munaamai varo.
Ndipo panoonekwa kutsvukira kwakanakisisa kumavirira. Kungonopera kwenguva pfupi iyi kunouya imwe nguva apo kunenge kuchangotanga kusviba.
Ndiyo inonzi nguva yerukuzvikuzvi kana kuti rubvunzavaeni.
Zvinonzi zita rekuti rubvunzavaeni rakauya sekudai: Vanhu vakare vaifamba netsoka apo vaipota vachirasika misha yavanenge vachienda saka nemhaka yekutya kupinda muzvikara, vaizobvunzira kuti varatidzwe gwara kusati kwanyatsosviba kana kuti vagopihwa pekurara.
Kana tadya sadza nekutandara husiku tava kuti ava madeko kana kuti manheru.
Zvino kana tozorara kuti zii tava kuti hwava husiku.
Pane nguva yekuti vanhu vaneta nekurara chose apo vanopepuka pepuka.
Ndiyo nguva inonzi marambakwedza. Marambakwedza anoteverwa nemashambanzou.
Kunze kunenge kwava kunoedza, hweva ichionekwa hutonga honotsvuka. Tapfuura nguva iyi ndipo panozouya nguva yerunyanhiriri apo kunze kunenge kochena.




