CHITSAUKO 13 (Nyaya yacho)
Pavanoenda kubindu ravo, George nemudzimai wake vanoona hazvitauriki, madomasi anongova gatakata, rimwe divi rine muriwo wakatemwa, hose pipe yekudiridzisa yakachekwa chekwa. Izvi zvinoita kuti George amire pamusuo webindu akagumbata mawoko ake. Mai vaHazvinei anoti murume wake asangoramba akamira asi kuti vafambe pamwe chete vachiongorora zvine udzamu pamwe vangawana chimwe chiratidzo chingavatungamirira kuti vazoziva mharadzi.
Vanoona kuti tsoka dzemharadzi dzakange dzichiratidza sokunge munhu wacho akanga omhanya. Paakazopoya napo pakasara mvere dzebhachi dema netumwe tutsvuku. Mudzimai wake anofunga kuti hameno mhere mhere yainge yanzwika nemharadzi ikafunga kuti yaonekwa.
George anoshaya simba kwava kugara padanda raive pedyo nemusuo kwava kurangarira gakava raainge aita nemudzimai wake vachiri Harare pamwe nezvose zvakange zvaitika pamusha kubvira musi wavakatanga kugarapo.
Anozvibvunza kuti chaizvo munhu ainge aita izvi angave ani – Makate, baba vaTichaona kana munhuwo zvake.
Anoyeuka kuti mudzimai wake akambomuudza kuti vanhu vose vemunharaunda iyi vaivaziva mazwi avo netsoka dzavo asi musi uyu vainge vachiramba kuti munhu ane tsoka yavaona havamuzive.
Anoyeuka zvakare kuti mukadzi wake akambomuudza kuti Peter ainzwa nenzeve imwe chete zvikave chokwadi zvaakaona iye nezvakataurwa nemudzimai wake zvokuti mainini mai vaMandizvidza vaifamba vachinge vanokamhina. Zvino dai ainge aramba kuti hinjini ipote ichitakurwa musi uyu angadai achichema ari pai? Anoshaya kuti anotadzirei vanhu vaanotengesera nemutengo wakaderera.
Panguva iyo mai vaHazvinei vari kunhonga-nhonga madomasi nemuriwo zvainge zvakaita gatakata. George anokanganiswa ndangariro dzake nevana vake vachisvika. Masikati acho mai vaHazvinei vanotakura mamwe madomasi nemuriwo kwava kunopa mai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza ndokuvaudza zvainge zvaitika kubindu.
Ava manheru George anoshinga kutaurira mudzimai wake kuti neMuvhuro aizoenda kuKaroi kunozivisa vatengi vake kuti haazokwanisa kuvaunzira zvakawanda nekuti bindu rake rakanga raparadzwa nemombe. Aizopfuurira kuenda Harare kunotenga hose pipe nezvimwe zvombo zvakanga zvichishaikwa mubindu.
ONGORORO
Chokwadi munhu haana chakanaka. Panzvimbo yokuti munhu anobvunza George kuti arikuzvifambisa sei kusvika pakubudirira kwakadai, ndipo paanoti nanga nanga nekuparadza zvinhu zviri mubindu zvakazvigarira zvazvo.
Zvinoti kusuwisa zvikati kusetsa.
Enzaniso dzinotibatsira tione maitikiro ezvinhu. George apo anosvika pabindu rake achiona zvaitikamo, murume mukuru anoonekwa agumbata mawoko “somunhu aiteerera mharidzo” (53). Izvi zvinoratidza kuti zvaainge aona zvainge zvamupedza simba, zvamugura kunorira. Mudzimai wake paanosvika pabindu achiona zvainge zvaitika,
mukadzi mukuru anoonekwa achiita zvekukweva makumbo “somunhu aiyambuka rwizi ruzere” (53).
Pavanenge vava kufamba mubindu ravo, vanhu vanoonekwa vachinyatsotarisisa pasi “sembwa dzaironda hwema” (53). George anozadzwa neshungu pahuro ndokuvhara ndokuedza kupagadziridza “sokunge munhu ainzwa dzihwa” (54) asi akatadza.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka, ndokusaka mai vaHazvinei vachinzwikwa vachidimikira vachiti, “Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo saizvozvi” (53). Zvaitika zvinorwadza nekugumbura chaizvo asi George semunhu wemurume, akafanira kushinga achiona kuti zvingagadzirika sei kunyangwe kudai zvavo zvichimurwadza.
Munyori anoburitsa pfungwa iyi kubva mukushandisa uko anoita tsumo achiti, “. . . vakuru vakati kufa kwemurume hubude ura” (53).
Peji 54 inotizarurira kuona segondo kunoita mudzimai waGeorge izvo anobva abvumirana nazvo.
Enderero mberi svondo rinouya.




