Kingstone Mapupu
MUKADZI wekuMufakose, muHarare, uyo anonzi anoita mabasa echipfambi akatiza mhuri yake yevana vaviri ndokuenda kuMozambique achivasiya vachikwangwaya nemusikana kebasa. Mukadzi, uyo akangozivikanwa nezita rekuti Barbra, anogara panhamba 48 muna Munhondo.Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti nyaya iyi iri kuferefetwa.
Barbra anonzi pari zvino asvitsa mwedzi mitanhatu asipo apo akasiya vana nemusikana wake webasa, Fungai Muchemwa (18).
Vana vakasiiwa nemukadzi uyu ndeane makore matanhatu neane makore masere ekuberekwa uye baba vavo vanonzi havazivikanwe kwavari.
Fungai anoti haazive kune hama dzemukadzi uyu kunze kwemwanasikana wake mukuru akaroorwa kuChitungwiza, uyo waasingazive paanogara.
Achitaura neKwayedza, Fungai anoti Barbra akabva pamba achiti aienda kuMozambique kunoita zvechipfambi.
“Ndava nenguva ndichishandira amai ava, vaindisiya nevana vavo vachienda kumabhawa kunotsvaga mari nechipfambi. Dzimwe nguva vaiuya nezvikomba kumba pamwewo vaienda kumba kwezvikomba zvavo.
“Sezvo taiva nedzimba mbiri, zvaivaitira nyore kuita mabasa avo pamba. Vakazobva vaona kuti bhizimisi ravo radzikira vachienda kuMozambique uko vaiti kunofaya ndokuti vachapota vachinditumira mari izvo zvavasiri kuita. Musi wavasimuka vakatisiira US$10” anodaro Fungai.
Anoti varidzi vepamba pavanoroja vakazovaburitsa mune imwe kamuri yechipiri ndokusara neimwe chete sezvo vasisina mari yekubhadhara rendi.
“Ndiri kurarama zvakaoma pano, handikwanise kusiya vana ava voga nekuti handina hama dzavo kwandinogona kuvaendesa. Amai ava ndakavaridzira nhare vakati vachadzoka muna Zvita. Vakanditi ndiende kumaboyfriends avo matatu kunopihwa mari. Pekutanga vaimbondipa zvinhu zvakaita seshuga, mupunga, mafuta ekubikisa nezvimwe asi iye zvino havachandipa,” anodaro.
Fungai anoti akazomboridzira Barbra nhare mumwedzi waNyamavhuvhu achida mari yekudya akati akanzi aite zvaanokwanisa.
“Handizive kuti vanoda kuti ndidii. Izvozvi vakatumira mari yechikwereti cherendi US$70 pasina yekutenga zvekudya. Mwana wavo Priscilla haauye pano uyo anogara kuChitungwiza.
“Ndakazoenda kumapurisa ekuMarimba kunotsvaga mazano vakanditi ndigare nevana ava apo kuchirongwa kuti vaendeswe kubazi reSocial Welfare.’’
Chimwe chezvikomba zvaBarbra chinonzi chakambouya chichida kutora vana ava asi chakarambirwa nemapurisa.
Vana vakatizwa ava vanga vachienda kuchikoro Grade 1 nekukireshi asi pari zvino vose vanonzi vakarega nekuda kwekushairwa mari.
Barbra anonzi anobva kuMt Darwin uko Fungai anoti haazive pamusha pacho chaipo.
Mai Joice Makore (29) vanogara pamba pamwe chete naFungai uye vari mukomana wake vanoti upenyu huri kurarama mhuri iyi hunorwadza.
“Chokwadi munhu angakudze chipfambi kudarika vana vake? Amai ava vanofanirwa kusungwa,” vanodaro. Vanoti ndivo vanogara vachipa vana ava zvekudya.
Easther Nyandoro (28) anogarawo pamba apa akatsinhirawo nyaya iyi achiti:
“Zvakaitwa nemukadzi uyu zvakaipa, vana vave kusiririsa sezvo vanongotumwa nechero munhu ada nekuti havana mubereki. Havachaenda kuchikoro, hatina hama dzavo dzatinoziva. Asi anonzi kwaari mazuva ano kuMozambique.”
Asst Insp Chazovachiyi vanoti nyaya yemukadzi akatiza vana uyu iri kuferefetwa kuchionekwa kuti zvoitwa sei.
Nhamba dzaFungai dzinoti 0778 121 394 uye dzemudzimai akatiza vana uyu dzekuMozambique dzinoti +258 866 960 960 890.



