Ticha Danga
MUMUTAURO wedu wechiShona, tine mazwi atinoshandisa asi iwo achireva zvakasiyana. Izvi zvinotiratidza kupfuma kwakaita mutauro uyu. Zvinoda chaivo vanokoshesa iyi nhaka yedu kuti vagokwanisa kudoma zvakasiyana zvinorehwa nemazwi.
Tinogona kuti gore isu tichireva fuwa riri mudenga kana kuti guti. Tinenge takatarisana nekukwidibira kwekunze tichiti nhasi kunze kune guti. Tinogona zvakare kuti gore tichitaura danga rembudzi. Gore zvakare tinogona kutaura panokwanira mwedzi gumi nemiviri.
Kana tichinorima tinohaka gejo nengetani dziri pajoki. Haka zvinoreva zvakare mhuka inonaka inoyera uye inodyiwa nemadzimambo chete. Haka ndiyo harakabvuka.
Tinoti gwamba ramadora tichitaura madora akawanda ari pamwe chete. Gwamba zvinoreva zvakare kuoma kwemuto wenyama yewematumbu kana maguru. Tikatarisa zvakare denderedzwa retsvina rinenge riri pambatya kana kuti gwamba reruvara sekuti, “Mbudzi yedu ine gwamba jena kumeso.”
Panopfurwa nekuururwa kwemapadza memipinyi panoita dzimwe nguva dzekuti badza harizosimba mumupinyi. Kana richidona tinoti rinongura. Kungura zvakare zvinogona kureva kugeza kana kukarava. Dzimwe nguva tinoti ngura tichireva kutsvukuruka kwemidziyo yagarisa isingashandiswe shandiswe.
Nhanga zvinoreva chirimwa chinonwiswa svutugadzike seditimanga. Nhanga zvakare izwi rinotaura imba inorara vasikana. Hazvigumiri ipapo nekuti nhanga rinoreva zvakare nzvimbo inozororera mombe dzichizeya dzabva kumafuro.
Kana uchichochora chinhu chemumwe munhu unonzi une ruchiva. Chiva zvakare zvinoreva mhando yenyoka ine huturu hwakaipisisa. Kana munhu achinyanga chinhu anenge achisvika zvinyoro nyoro achihwandira. Nyanga rinoreva zvakare mitezo yemhuka yadzinotunga nayo.
Kunyara kunogona kureva kusvoda. Nerimwe divi kunyara kuneta. Kupata zvinoreva kusakwana pachinhu kana midziyo. Kupata zvakare zvinoreva kupusa kana kurasika mutsika dzinoitwa norudzi nekukundikana muzvinhu zvakapusa. Huku ikaramba mazai ayo tinoti yapata.
Kana tichipa murwere mushonga tinoti tiri kumupepa. Tinogona kutaura pepa tichireva patinonyorera tsamba kana basa remuchikoro. Kune rumwe rutivi kupepa kusvuta fodya.
Tinoshandisa pfuti nemabara kana tichida kupfuura chinhu. Kunewo michero inonzi mapfura inobikiswa hwahwa kana kudyiwa yakadaro. Kana mhizha dzichigadzira mapadza nematemo nesimbi vachishandisa mvuto tinoti vari kupfura.
Kana munhu anga akakuvara asi ronda riya rava kunopora tinoti ronda rake rava kurunda. Tinogona zvakare kushandisa runda tichireva gwazvo renyama rakaomarara.
Mwenga anopfeka renda rekuchata naro nerimwe divi tinoti renda tichireva munhu ane muviri wakaregedzera, uya anonzi akawota.
Kushava kupambara uchitsvagira mhuri zvekudya asi tinogona kuti shava tichireva chidao chavaera mhofu. Tinogona zvakare kuti shava tichitaura ruvara rwakatsvukuruka. Zira zvinoreva kutsanya kana kuti kuserera.




