Mabatirwo evanhukadzi

“NDANGARIRO” naVirginia Phiri (157-9)

Ongororo (Enderero mberi):

Pane chinoyemurikawo maererano neupenyu hwemunhukadzi uyu. Kubva mundangariro dzake dzinotevera tinoona kuti akagona kuita zvakatadzikwa kuitwa nevamwe vakadzi vasiri pfambi.Tinomunzwa achirangarira achiti, “Asi ini ndasuwa murume nemba yangu. Kushaya mbereko ndiko kwakandiparira. Kwakaita kuti muchato wangu uparare. Ungati ndini ndakazvidawo here kuti ndishaye mwana?

Kuzoona munhukadzi ava kusvika pachinhanho chekuti anochata zvinoreva kuti akafanira kunge ane nduramo dzetsika. Akange akatomisawo imba yake asi yakazotadza kupfuta moto.

Upenyu uhwu hunoratidzwa kuti kana nekumbonaka zvachose. Munhu hauna kusiyana nembwa yekuti chero wada ada.

Kuita kwakadai kunoshaisa unhu.

Tinoona kuti vadzimai vakadai vanobatwa sezvinhu (objects) kwete sevanhu. Murume waanotanga kuwirirana naye apo anopedza zvaanenge achida, anomuudza kuti achibude.

Izvi zvinotiyeuchidza nezviya zvinoitwa bepa rekufuridzisa dzihwa (tissue paper) rinoti iro kana munhu apedza kufura dzihwa mariri, anorikanda kwakadaro uko nekuti harisisina nebasa.

Nepo pasina nemhosa yaapara ndipo apo anosungwa nemapurisa achipomhedzerwa mhosva yekungorikita achitsvaga zvikomba (loitering) Chinonyanya kurwadza mabatirwo aanoitwa nemurungu waanowana musi weMugovera. Chinhu chinorwadza zvikuru munhukadzi kuti ashevedzwe nezita remumwe mukadzi kunyangwe zvazvo achinge amuudza zita rake chairo. Ataurira muRungu uyu kuti zita rake anonzi Daisy asi muRungu anongoramba achimushevedza nezita rokuti Maria.

Apedza zvaanenge aita kana kumbomuratidzawo ruremekedzo asi “Anondisairira, . . . achivhara musuwo wake”(158) kunge ari chinhu chinosemesa. Kumusha uku ava kunyara kuendako “Dai dzisiri nyadzi ndaidzoka kumusha kwedu. Zvino aiwa ndingape vabereki mutoro” (159).

Chiitiko chimwe chinoratidza mabatirwo anoitwa vanhukadzi ndicho chiitiko chiya chepahotera yemberi. Zirume riya rinomushandisa kuti riwane zvarinoda. Iye oga anozvitaura omene achiti,  “Zvino ndatove nhapwa . . .” (159).

Asi kunyangwe zvazvo dai zvinhu zvakaomarara sekutema muti wemupangara nedemo rakagomara, pane chakanaka chinongoda kutarisirwa. Kumberi kwebako kune chiedza. Izvi zvinoonekwa mundangariro dzemunhukadzi uyu anopedzisira nhoroondo yake achiti, “Regai ndione zvandingaita kuti ndizokwanisawo kutsvaga basa rokubairwa chitupa” (159).

Zvirungamutauro mukanyaya aka zviri kushayikwa asi izvi hazvidzivisi munyori kuti atadze kuyanika nhunha dzake pachena.

Tinoona muenzaniso wekudimikira mumwe chete uyo unotiratidza parumananzombe panopinda mudzimai uyu.

Paanosungwa nemapurisa haazivi zvakamumirira mberi ikoko. Anototi asvikako ndiko kuti azoziva kuti kwakamira sei. Saka achiti, “ndonozvionera pamhuno sefodya” (158).

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *