Mbavha dzematv dzakasungwa

tvsShamiso Kufaruwenga
GAVA rakazodambura musungo kune dzimwe mbavha mbiri dzekuChitungwiza idzo dzakazobatwa ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore masere mushure mekunge dzarura nekuba materevhizheni echizvino-zvino. Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Pauline Chamunorwa, akati Talent Shereni (30), wepanhamba 15199 Unit O, Seke nemumwe wake Mbonisi Ndlovu (27), wepa15367 Unit O, zvakare vakaba materevhizheni masere vachitengesera vanhu kusvika apo pavakazobatwa. Ndlovu naShereni vakaramba mhosva yavo pamberi pedare vachiti vaingopomerwa nemapurisa akavavenga.

“Hatisi mbavha isu, takangorovererwawo nemapurisa aya. Vakambotiona tichiba kupi? Zvivhitivhiti ndezvedu izvi vakangorongana nevanhu ava kuti tifire mujere, hatina mhosva isu. Tingabe maflat screen achipa mutaundi?” akadaro Ndlovu. Zvisinei, vaviri ava vakabatwa nemhosva iyi nekuda kweumboo hwakapihwa mudare.

Mutongi Don Ndirowei akati kurozva munhu zvinhu zvaanenge atenga nemari yeziya rake zvine chirango chikuru nokuti vanhu vanoshaya mufaro mudzimba dzavo dzinenge dzichipazwa. Vaviri ava vakatongerwa kugara mujeri kwemakore masere nemwedzi mitanhatu.

Related Posts

Murume wekurwiswa negarwe owora maoko ose

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa wekwaSabhuku Muchinjiko kwaChiendambuya, kwaRusape — uyo akarwisana negarwe rikamutyora maoko ose — anoti maoko aya ave kuwora nekuda kwemaronda akakuvarira mukati. Garikayi Chiweshe…

‘Ngwarirai maguruvhani anoshandisa dandemudande‘

Kingstone Mapupu VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vangwarire nhubu kana kuti maguruvhani ari kushambadza midziyo yakadai semotokari pamadandemutande akasiyana-siyana uye vachizopedzisira vabira vanhu mari yavo. Yambiro iyi inotevera kusungwa uye kumiswa mudare…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×