CHITSAUKO 8 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mugadzi anomboramba akanyarara ndokuzopindura achiti haasisina basa naSekai, iye Chekure ngaauye azomutaurira zvekuita sezvo Sekai akamugumbura zvikuru. Chipunza anoti zvinonzi paakabva kuchitokisi akatya kudzoka kumba kwaMugadzi ndokuenda Zengeza kwavatete vacho uko akazopihwa mari yekuenda kumusha izvo zvaireva kuti vatete vacho vakabvumirana nezvaakaita vasina kunzwa kwaari.
Mugadzi anodzokorora kuti Sekai akatopedzerana naye, ngaauye kuzotora mbatya dzake.
Chekure anobva angopinda, Mugadzi ndokuti amutaurire kuti zviri kufamba sei iye ndokuti akaona Sekai osvika nehanzvadzi yake achiti ainge arwa naLily, Mugadzi akada kumucheka nebanga akazoponeswa nemapurisa aizvifambirawo zvawo. Zvinonzi Mugadzi akabva ati mukadzi haachamuda. Sekai akaramba kuti vanonyatsonzwisisa nyaya yose nekuti aitya kurohwa. Iye semunyayi, atumwawo kuzonzwisisa nyaya yose Sekai ainge ati chero dai nyaya iyi yazotongwa, murume haachadi, vabereki vachiti vanoda gupuro.
Mugadzi anodzokorodza kuti Sekai akatomuramba. Akamuti aende kumusha kunochengeta amai vake akaramba, akamuvakira chitoro asi akaramba kuchishandisa.
Dai Lily waakarova akazvitakura akafa, ainoti chii kuvabereki vake? Gupuro haana sezvo Sekai akamurambawo. Sezvo Sekai anoramba achisimbirira nerokuti haachadi murume, vabereki vake vanosvika pakupera simba. Sekai kwava kumbogara navabereki vake kwemwedzi ari munhu kwaye zvekuti vaimuona vaishaya kuti murume rudzii anoramba mukadzi akarurama zvakadaro.
Apo Sekai anopindwa nepfungwa yedhorobha, anobva atuta twake, moyo wava kutyira kuti Robby angangotorwa netsvarakadenga dzemudhorobha. Anowana Robby akamumirira zvechokwadi.
ONGORORO:
Mugadzi zvechokwadi haasisinei naSekai. Kubva mune zvinonyorwa tinoona kuti murume uyu haachapinduki pakutaura sezvinoratidzwa nemitsetse inotevera.
(i) “Saka apa aida kuratidza kuti Sekai haachamuda” (96).
(ii) “Ini pandakakutora ndaive ndatomuramba kudhara” (97)
(iii) Handina peturu yekurasa (kunomutevera) ini” (98)
(iv) “Asi ini ndinoda kukutaurira sekutaura kwandakamboita kuti handisisna basa naSekai” (103).
(v) “Ndakatopedzerana naye” (103)
(vi) “Ndinoda kudzokorora kwauri muzukuru wangu aripo uyu kuti Sekai ndakatoramba” (104).
(vii) “Haazombondioni ndichimutevera”
(viii) “Sekai handichadi”
(ix) “Uku ndiko kunyatsorambana kwakazoita Sekai naMugadzi” (106)
Enzaniso dzirimowo hadzo tichitanga neinotiratidza tsika yevamwe vanhurume yekusada kupfuurwa nemunhu akapfeka rokwe. Mukutaura kunenge kuchiita Mugadzi naLily tinonzwa Lily achishoropodza tsika iyi achiti varume vanoramba vachingotuta vakadzi “kunge zvinonzi manhanga” (97). Pavari kutaura nezvaMasimba, Mugadzi anoratidza unduramo hwemujaya uyu achiti Lily haafaniri kumubata “semusevenzi” asi “somwana” (98).
Panoenda Mugadzi kunotenga ice cream, Lily anosara naCharles naSarudzai ndokubva azadzwa netsitsi “kunge aiona vana vafirwa naamai vavo” (99). Chipunza anongoerekana asvika pamba paMugadzi akapinda asina nekumbogogodza kwose. Ndosaka Lily achizoti achavawana vasina kupfeka zvaanongopinda “semombe inopinda mudanga mayo” (101). Apo Chekure anopinda mumba maMugadzi achitaura zvaaida, apo anopedza kutaura panomboita runyararo “kunge paive pasvika shoko rerufu” (104). Mugadzi anoti Sekai akamugumbura zvikuru izvo zvakaita kuti atange kutsvaga mumwe, zvaanoti akatanga kuvhima “setsvimborume” (105) nekuti ainge aona kuti naSekai hapana kure kwavaisvika.
(Enderero mberi svondo rinotevera.)




