Mbudzi: Ndiko kuti nyama!

NYAMA yembudzi inonaka zvikuru, kunyanya kana ichinge yabikwa pamoto wehuni kana wemarasha. Svondo rino, Mai Getrude Moyo vekuGokwe vanotitsanangurira mabikirwo enyama iyi zvekuti vanoidya vanosara vachingonanzvira.

Zvinodiwa:

Nyama yembudzi, chikari, mafuta, munyu, matomatisi nehanyanisi

Mabikiro:

Cheka nyama muzvidimbu zvakafanira. Chiigeza woifashaidza pamoto uchishandisa mvura yakawanda kuti iibve.

Kana yave kuibva, kanda munyu netwumafuta twushomanana, matomatisi nehanyanisi zvaunenge wacheka.

Pindura kwemaminitsi mashanu kusvika zvaita muto wakakora.

Kana nyama yembudzi yaibva inoonekwa nekuita ruvara rwegoridhe uye inenge yapfava pakutsenga.

Usaise godzamuto nekuti rinokanganisa munakiro wayo.

Unogona kuisa chidimbu chechipunu chegarlic kuti isaite kamunhuhwi, zvikuru kana iri mbudzi hono.

Wozodii?

Kana zvadai, chigadzirira kuzviruma rurimi. Nyama yembudzi inodyiwa nesadza jena kana rezviyo – zvido zvako kunyanya.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×