Mendenenzi yakadzikiswa

MURUME wekuendesa aimbova mudzimai wake kudare remendenenzi achida kuti mari yaaibhadhara idzikiswe, achiti mudzimai uyu ave kuzvishandira, akadzokera kumba achinyemwerera zvichitevera kudzikiswa kwakaitwa mari iyi kubva paUS$100 kuenda paUS$75 pamwedzi.
Previous Masiiwa akaendesa Talent Urimbo kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi idzikiswe.
“Uyu ndakamuroora gore ra2010, tikazorambana ndikaroora mumwe mukadzi muna 2012.

“Handisi kuramba kuchengeta mwana wangu, handina kana chikwereti naye asi chikumbiro changu ndechekuti mari idzikiswe kubva pa$US100 sezvo iye ava kushandawo. “Mwana ndini ndinomurapisa, ndinochengetawo vanin’ina vangu vaviri, ndakakwereta mari kubhanga kuti ndiroore mukadzi wangu nekutenga zvidhinha kuti ndivake musha uyezve pakatemwa mendenenzi yekutanga ndainge ndisingabhadhare mari yerendi.”

Urimbo akaudza dare kuti haasi kushanda asi kuti anoita “zvekukiya-kiya”.
Akati: “Zviri kutaurwa nababa ava handizvizive, basa rangu ndere kutengesa masagi mutaundi uye hazvindipe mari yakawanda zvekuti mungadzikise mari yandiri kupihwa.

“Imhosva yake kuti awandirwa nezvekuita nekuti iye akakwereterei mari kubhanga achiziva kuti anofanira kubhadhara yemendenenzi uye ane vanhu vakawanda vanotarisira kuchengetwa naye?”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akadzikisa mari yemendenenzi kuenda pa$US75 pamwedzi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×