Vanopisa masango hokoyo!

MUTEVEDZERI wegurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, Retired Brigadier-General Walter Kanhanga vakakomekedza masangano anoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda kuti aone kuti vanopisa masango zvisina tsarukano varangwa zvakaomarara. Vachitaura vari kuGuruve nemusi weChipiri svondo rapera pamusangano wavakaita nemasangano anosanganisira reEnvironmental Management Agency (EMA), Rtd Brig-Gen Kanhanga vakati kupiswa kwemasango kuri kudzosera budiriro yeZimbabwe shure apo yakatarisana nekusimudzira upfumi hwenyika pasi pechirongwa cheZim-Asset.

Vakakurudzira madzishe kuti vashande nemapurisa pamwe neveEMA mukuranga nhubu dzinokonzeresa moto wesango.

“Madzishe tisu tine masabhuku uye ndivo vane vana vanotanga moto. Hakuna hutsi pasina moto, hapana moto unotanga usina chaukonzera. Sei vanhu ivavo vasiri kurangwa zvakakodzera? Ndapota shandai nemapurisa pamwe neveEMA kuti vanobatwa nemhosva varangwe zvakakodzera,” vakadaro Rtd Brig-Gen Kanhanga.

Mambo Chipuriro, VaClever Mashiri, vakati vachashanda neveEMA pamwe nemapurisa mukuranga vose vanopisa masango uye panenge pashaikwa mupari wemhosva sabhuku wenzvimbo inenge yapiswa ndiye acharipiswa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×