‘Mhanzi inofanira kutendeutsa vanhu’

Malven Mugadzikwa

CHINANGWA changu chikuru chekuimba nziyo dzechitendero hachizi chekutsvaga mari asi kuti vanhu vakawanda vatendeuke uye vanamate Mwari kuburikidza nekuteerera mhanzi yangu, anodaro Zet Mundhluri uyo anotsikisa nziyo dzake ari kuSouth Africa.

Mundhluri, uyo akambonetsa nekambo kanonzi Ndine Zvandakaona, anotaura mashoko aya zvichitevera kuparura kwaakaita DVD rake idzva.

“Chinangwa chenziyo dzangu ndechekuti dzitendeutse vakawanda, kwete muZimbabwe nemuSouth Africa chete asi kuti pasi rose. Izvi zvava kundipa basa guru rekuti dambarefu rangu randiri kuda kubuditsa gore rinouya ringe riine nziyo zhinji dzinoimbwa nechiRungu kuti ndiwane vatsigiri pasi rose,” anodaro Mundhluri.

Anoti paDVD rake idzva raakaparura iri, akatora dzimwe nziyo kubva padambarefu raakabura muna 2014 – Ishe Vareva – nerimwe rinonzi In The Fullness of Time.

“PaDVD rangu idzva iri, ndakasanganisa nziyo dzandakabudisa muna 2014 nedza2016. Nziyo dziripo ndedzinoti Nhangemutange, Seunorota, Mwari Vagere naKune Vakasara. Nhamgemutange ivhidhiyo riri kunyanya kufarirwa nevari muZimbabwe kuchitiwo Seunorota riri kuita mukurumbira kuSouth Africa,” anodaro Mundhluri.  Anoti ari mudenga rechinomwe zvichitevera kutambirwa kuri kuitwa mhanzi yake.

“Kutambirwa kuri kuitwa nziyo idzi kuri kundipa manyukunyuku ekuti ndiwane simba rekubuditsa rimwe dambarefu rangu iro randava kutogadzirira kuti ribude gore rinouya. PaDVD idzva iri zvakare kambo kanonzi Mwari Vagere ndinonzwa nechemumwoyo kuti kachakwanisa kubata-bata vanhu vakawanda kuti vashumire Mwari. Kambo aka kanotaura nezvekunamata Mwari nekuti ndivo vane masimba ose,” anodaro.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *