‘Mhanzi yandibvisa mune zvinodhaka’

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura – Vincent Dambamupfee – anoti mhanzi yakamuponesa zvikuru kubva kudoro sezvo hupenyu hwake hwainge hwasvika pakuparara.

Dambamupfee, uyo achangobura dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Gomo Ridonhe’, anoti pakambonetsa denda reCOVID-19 akange ave kuswera akagara asina zvekuita izvo zvakazomuona achipinda mune zvekungodhakwa.

Aona kuti hupenyu hwake hwave kukanganisika nekuda kwedoro uye kungodhakwa, Dambamupfee anoti akavamba chikwata  chinonzi The Fat Liver Band ndokutanga kutsikisa mhanzi izvo zvakamuponesa zvakanyanya.

“Mhanzi yakandibatsira zvikuru muhupenyu hwangu, ndakange ndave munhu  aingoswera achidhakwa nguva dzose panguva yelockdown yeCOVID-19 iya.

“Saka ndakazvionera  kuti ndikaswera ndichiita zvekudhakwa hapana kwandinosvika muhupenyu, ndini ndinenge ndichingokanganisika. Saka ndakatora vakomana vandaiswera navo tichidhakwa, ndikati varume hapana kwatiri kuenda, ngatiite zvemhanzi tione kurarama, ndipo ndakabva ndaumba chikwata changu cheThe Fat Liver Band,” anodaro.

Dambamupfee anoyambira vechidiki achiti ngavasiye zvekudhakwa vatsvage zvimwe zvinovararamisa muhupenyu hwavo nekuti ndiyo yega nzira inoita kuti hupenyu hwavo hubudirire.

“Munoziva, hapana chinouya nekungodhakwa, ndinokurudzira vechidiki kuti ngavazvibate muhupenyu hwavo. vatsvage zvekuita zvinoita kuti vararame vashande nemaoko avo nekuti mukudhakwa hapana chitsvene chinouya,” anodaro.

Akatanga kuimba mugore ra2002 apo aiita zvekunyorera mhanzi vamwe vaimbi.

Dambarefu rake rekutanga raachangobva kubura rine nziyo nhanhatu dzinoti Keteni, Padoro Ipapo, Vabereki, Kuchengetwa, Gomo Ridonhe uye naNdikakudzaidza.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *