Lloyd Makonya
MUTARE Museum ine zviratidzwa zvakawanda zvinokwezva mwoyo asi pane zvimwe zvisinganzwisisike zvakadai sezvinhu zvinoshandiswa pakugadzira mheni.
Zvinhu izvi zvinonzi zvinoshandiswa mukugadzira mheni asi zvakazoendeswa kumuseum iyi neimwe mhuri yekuNyanga mugore ra1990.
Zvinosanganisira bhodhoro re275ml rine muvharo mutsvuku rakasungurirwa zvimiti gumi izvo zvinofungidzirwa kuti ndezvemuti weMutamba/Umhahli’ (Strychnos kana kuti Black Monkey Orange tree), kanyanga kaduku kenhoro uye zvigubhu zviviri zvidiki zvakazadzwa nezvinwiwa zvitema zvisinganzwisisike.
Izvi zvinomutsa mibvunzo yakadzama pamusoro pemusiyano weruzivo rwesainzi nezvitendero zvemweya zvemuAfrica maererano nemheni.
Zvinhu izvi zvakarongwa sechikamu chekuratidzira zviri mumuseum iyi, zvinomutsa chidokwa-dokwa chekuda kuziva zvakawanda uye panguva imwechete nekukonzera kusagadzikana sezvo zvichitendwa semidziyo inoshandiswa mukudaidza mheni.
Sainzi inotsanangura mheni semoto wemagetsi unokonzerwa nemusiyano wakanyanya unoitika pakupisa pamwechete nekutonhora kwemwepo yemuchadenga (positive and negative electric charges). Kana musiyano uyu ukanyanyisa, apa panonzi ndipo panobva paumbwa mheni iyo inofamba nemumakore kusvika pasi.
Izvi zvinogona kuitika zvichikonzereswa nemamiriro ekunze akadai sekuve nemwando wakanyanya pamwechete nemafambiro emhepo akasiyana.
Kusiyana netsananguro yesainzi yezvinokonzera mheni, zvitendero zvechivanhu zvemuAfrica, kunyanya kumabvazuva kweZimbabwe zvinotaura nezverudzi rwakasiyana rwemheni nenzira yekutsiva iyo inogona kunangana nemunhu.
Vanhu verudzi rweChiManyika vane yambiro inozivikanwa zvikuru inoti: ‘Tingoonana maenza’ (Tichasangana munguva yekunaya kwemvura). Aya ari mashoko anotyisa anoratidza kuti vanenge vakatadzira vamwe vanofanira kungwarira uye kutsvaka runyararo, sezvo masimba anogona kukumbirwa kuvarwisa nenzira yemheni.
Zvinhu zviri kuratidzwa paMutare Museum zvinofungidzirwa kuti zvaishandiswa muchirongwa ichi.
Nyanzvi dzezvechivanhu nevanoita zvemweya vanoti mamwe makwenzi, mapfupa nezvimwe zvinhu kana zvikabatanidzwa uye zvichiitwa kuburikidza nemhiko, zvinogona kudaidza mheni yotumirwa kwainofanira kunge ichienda.
Muti wemutamba, uyo unozivikanwa nekuda kwemishonga yawo, unofungidzirwa kuti ndiwo unofambisa mheni.
Nyanga diki yenhoro nezvinwiwa zvisinganzwisisike zvinonzi zvinoshandiswa pane “zvemweya” kuti mheni inange munhu wainenge yatumirwa.
Kuvapo kwemheni muruzivo rwechivanhu chemuAfrica kunopa nhoroondo inokahadzisa kana zvichienzaniswa nesainzi.
Vanhu vanokwanisa kudzivirira mheni here?
Vanoona nezvemamiriro ekunze vakawana nzira dzekudzivirira kurova kwemheni kuburikidza nekushandisa tambo dzemagetsi. Asi, papfungwa yekuti mheni isina zvemishonga mukati inokwanisa kutumirwa kumunhu hapasati pave neumbowo hunobatika.
Zvisinei, tsika nemagariro hazvigoni kupokanwa nazvo nyore sezvo kuine nyaya dzakawanda dzevanhu vanonzi vakaroveswa nemheni nenzira dzemishonga.
Kutya kudzoserwa kutadzirwa kunenge kwaitwa munhu kuburikidza nemheni, kunonzi kunoita kuti dzimwe nguva zvinhu zvigare zvakadzikama munharaunda, izvo zvinosimbaradza nyaya yekuti mheni inokwanisa kugadzirwa uye ichitumirwa kune munhu.
Kuiswa kwemidziyo inogadzira mheni muMutare Museum, kunopa mukana usingawanikwe nyore wekuenzanisa zvimwe zvezvinhu zvinotendwa pachivanhu asi zvichipikisana nesainzi.



