Vanhu 4 vafa motokari yawira mumugodhi wezvicherwa

Kingstone Mapupu

VANHU vana (4) vakafa uye mumwechete akapunyuka apo mutyairi weHonda Fit akapoya mumugwagwa ndokunowira mumugodhi wezvicherwa usisashandiswe waive uzere nemvura mumugwagwa weGweru-Shurugwi, kuShurugwi.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti tsaona iyi yakaitika pachinhambwe che53 kilometre peg mumugwagwa weGweru-Zvishavane nemusi wa2 Kurume nenguva dza6 zuva rodoka.

“Pane murume anonzi Aaron Mpofu (20) wekuVillage 5 kuDorset kuShurugwi aityaira motokari yerudzi rweHonda Fit Hybrid akatakura vanhu vashanu mukati. Paakasvika pachinhambwe che53 kilometre peg, motokari yake yakapotsa mugwagwa ichienda nekurudyi ndokunowira mumugodhi wezvicherwa waiva wakazara mvura chinhambwe chidiki kubva pamugwagwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mumwe wevanhu vaiva mumotokari iyi, Panashe Munyimi, akazopunyuka nekubuda nepahwindo rekumberi remotokari iyi raiva rapwanyika achibva ashambira kunobuda kunze.

“Mapurisa anosanganisira nyanzvi dzezvemumvura eSub Aqua Unit vakaziviswa vakauya pachiitiko ichi ndokunyurura mitumbi yevanhu vanoti Hazel Funhira (19) wekuRift Fontain newaAaron Mpofu. Mutumbi wechitatu unova waMirriam Mpofu (28) waiva waburitswa kare nevagari venzvimnbo iyi sezvo vakanga vauona wakayangarara pamusoro pemvura,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mitumbi mitatu iyi yakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheShurugwi Hospital ichimirira kuongororwa nanachiremba.

“Mapurisa ekuchikamu cheSub Aqua Unit achiri kutsvaga mutumbi waAbednigo Mpofu apo paine vari kubatsira nekupomba mvura kuburitsa mumugodhi uyu kuti vagone kuona pasi kuti imwe nguva mutumbi uyu ungawanikwe. Senguva dzose, tinoramba tichikurudzira vatyairi kuti vatevedzere mitemo yose yemumigwagwa kuitira kudzivirira tsaona dziri kupedza kuuraya vanhu uye vamwewo vachikuvara,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *