“MUTAURO werurimi rwaamai inhaka yedu. Nhaka haitengwi nemari. Nhaka hainyadzisi. Ndiyo inopa hunhu, chimiro uye kuzviyemura.”
Mashoko akataurwa naProfessor Ruby Magosvongwe avo vanove sachigaro weNational Languages Committee uye neZimbabwe Media Commission (ZMC) pagungano rekucherechedza mutauro werurimi rwaamai reInternational Mother Language Day iro rakarongwa nekambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimpapers ichibatsirana nebazi rezvemitambo, nyaya dzekutandara netsika nemagariro, muguta reHarare nguva pfupi yadarika.
Ndibvumidzei nditange nekutenda mose muri pano tichicherechedza nekuremekedza zuva iri, ndichikurudzira tese kuti huru inokudzwa newayo uye chimwango chekukumbira hachina ndima. Vakuru vedu vakagara vazviona kuti mudzimu weshiri uri mudendere. Nesuwo kana tikakanganwa dendere iri neupenyu hwatichasiira zvizvarwa zvichauya hunenge huine nyatwa, kunyanya pachimiro netsika nemaonero nemararamiro eupenyu.
Tinozovei kana takanganwa dendere/ bako /hwaro hweupenyu hwakagukuchirwa mumitauro yedu yechizvarwa yemuno munyika yedu? Tinozowadzana sei? Tinozonzwisisana sei? Tinozobatana sei isu mumatunhu nenzanga nenyika tichibvuma kuti hwaro hwemitauro yedu inokurudzira humwe nehunhu hwedu pamwepo nekubatanidza nekusunganidza matunhu nekudyidzana zvichiramba zvichiyeredzwa nemutauro yevamwe tichibvuma kuita nhapwa dzepfungwa nemaonero nenyaya yekuda kukwana-kwana nepahuku yemweni?
Zvatiri nezvatinoshuvira muupenyu nehondo dzatakatarisana nadzo, zvakagukuchirwa nekuchengetedzwa mumitauro yedu yechiberekerwa inoenderana nevhu ratakatsika, mune rukuvhute rwedu nemadzitateguru edu.
Goho renhurikidzwa dzemakore ekurarama kwedu kubvira kareko riri mumitauro yedu, tsumo dzedu, makomo, nemhiko zvatiri kubvuma kuti zvirambe zvichipepetwa zvichirasirwa kure tichisara nehundi mbesa dzatakurwa dzichindoraswa kure neraro isu takatarisa nekuyeva.
Mitauro yedu inokosha, ndiyo dura rezivo, tsika nehunhu hwedu. Goho hariiswi mudura rekukumbira, kana mudura remuvakidzani. Goho rinoyera. Iyi inongova kurudziro kwatiri tese kuti tisarase nhaka yemitauro yedu.
Pakurasa mitauro yedu yechibarirwe, tinenge tazvisungirira, tazvinanika nekuzvibaya mukurarama. Kunzi munhu hakusi kungova chidhori chine mhumhu kana chimiro chemunhu, kungova mubvuri, asi kuva munhu ane hunhu nehumwe sematsananguriro mumitauro yedu. Ndidzo shungu dzatiunganidza nhasi.
Uye tinotenda zvikuru neHurumende nehutungamiri hwenyika yedu yeZimbabwe mukubatana nenyika dzepasi rese mukupemberera mitauro yedu yechibarirwo.
Bumbiro remutemo wenyika yedu yeZimbabwe muchikamu cheSection 63, rinosimbisa nyaya iyi yekodzero yemitauro yedu yekuberekwa nayo.
Bumbiro iri zvekare ra2013, pachikamu cheSection 16 rinotsinhira zvakanyanya kuchengetedzwa kwenhaka dzeZimbabwe, mitauro yedu ichiva imwe yenhaka iyi. Nhaka haitengeswi uye haitengwi nemari. Nhaka hainyadzisi. Ndiyo inopa unhu, chimiro, nekuzvida uye kuzviyemura, kuzvida mukugara nekufambidzana nevamwe munharaunda, matunhu nedzimwe nyika. Mutauro unokosha.
Matanho ari kutorwa kusimudzira mitauro yedu yemuZimbabwe:
Hurongwa hwekusimudzira mitauro yedu:
– Kuvepo kwenhepfenyuro dzemumatunhu (community radio stations).
Zuva guru reWorld Radio Day rakaitwa kuLyeja FM kuHwange uko taipemberera nhepfenyuro iyi iyo ichavhurwa munguwa pfupi iri kutevera.
Nhepfenyuro dzemhando iyi dziri pamwongo kana kuti pamwoyo wemushandirapamwe mumatunhu edu (developmental communication and projects innovation, inclusivity, ownership, sustenance as well as sustainability of the same).
– Kuisa bumbiro remutemo mumitauro yakasiyana-siyana.
– Kudzidzisa vana muzvikoro nemitauro yerurimi rwaamai pavanotanga fundo yavo.
– Kuita mitambo inokurudzira kuseenzeswa kwemitauro yedu.
Ndatenda.



