Mhinduro dzezviperengo

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rapfuura takaita mibvunzo yezviperengo apo waisungirwa kuziva mazita ezvinhu pamwe nekupa zviperenga zvemazita acho zvakanaka. Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo.

Mhinduro dzinotarisirwa neKwayedza:

  1. chigadzamapfihwa
  2. mhizha
  3. nyamukuta
  4. chigapa
  5. bakuro
  6. tsote
  7. ngomwa
  8. mutseu
  9. nevanji

 

Mumwedzi waNdira mudzidzi akapa mhinduro dzakanakisa ndiTonderai Chiwara ari muFomu 3 paMufakose 3 Secondary School iri kuMufakose, muHarare. Tonde svika kumahofisi eKwayedza ari paHerald House, muHarare uzotora mubairo wako webhuku idzva rinonzi Imbwa Yemunhu rakanyorwa naIgnatius T. Mabasa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *