Potorwa matanho ekupedza kufoira

Cletus Mushanawani

HURUMENDE inoti icharamba ichivandudza zvikoro zvekumaruwa nechinangwa chekuti vana vadzidzire munharaunda yakanaka zvinozoita kuti vabudirire.

Vana vemune zvimwe zvikoro zvepuraimari zvekumaruwa vakakundikana pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzakanyorwa munaMbudzi wegore rapera zvekushaya kana mumwe chete akapasa (0 percent pass rate) pachikoro chose.

Muhurukuro nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, VaEdgar Moyo, vanoti zvimwe zvikoro zvekunzvimbo dzichakasaririra zviri kushaya zvinodiwa padzidzo zvakakwana.

“Gore rino tichange tichiongorora zvakanyanya kudzidza kwevana muzvikoro zvose. Tiri kuda kupedza dambudziko rekukundikana muchikoro kwevana kwakanyanya, kunyanya kuzvikoro zviri kunzvimbo dzakasarira. Tine chirongwa chePerfomance Lag Address Programme icho chakavambwa kubatsira zvikoro zvose zviri kunetseka kuti zvipe vana dzidzo yemhando yepamusoro.

“Takaona kuti chikonzero chikuru chekufoira kwevana kusavapo kwezvivakwa nezvekushandisa zvakakwana.

Zvikoro izvi ndizvo zvichatanga kuwana rubatsiro rwupi zvarwo rwuchapihwa neHurumende,” vanodaro VaMoyo.

Magwaro ane bazi redzidzo yepuraimari nesekondari maringe nekupasa kwakaita vana veGrade 7 gore rapera anoratidza kuti Harare neBulawayo ndiwo matunhu oga asina kuwana zvikoro zvakaita ma0 percent pass rate kuchiteverwa Manicaland iyo ine zvikoro zviviri chete zvisina kana mwana akapasa pabvunzo idzi.

Matabeleland South ine zvikoro zvitatu zvakawana 0 percent pass rate kuchitiwo Matabeleland North ine zvakawandisa zvine vakadofora zvakanyanya zviri 20.

Masvingo ine zvikoro 16 zvakawana 0 percent pass rate, kuMashonaland West dunhu reMakonde ndiro rine zvikoro zvine vana vakanyanya kufoira pabvunzo idzo zviri 11.

Ongororo yakaitwa nebazi redzidzo iri pamusoro pebvunzo dzakanyorwa munaMbudzi inoratidza kuti zvikoro zviri munzvimbo dzinoita zvekucherwa goridhe zvine vana vakakundikana zvakanyanya pabvunzo dzeGrade 7.

“Tava kutarisa kuzvikoro zvisina kubuda zvakanaka tisina pfungwa yekupa chero ani mhosva asi kuti nechinangwa chekuti matambudziko aripo agadziriswe, vana vabudirire,” vanodaro VaMoyo.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *