Mhondi dzakauraya Tapiwa Makore (jnr) dzofira mujeri

Mathew Masinge
MHONDI dzakauraya Tapiwa Makore (jnr) idzo dzinoti Tafadzwa Shamba naTapiwa Makore (snr), avo vainge vatongerwa rufu, vakazosandurirwa mutongo wavo vachinzi vachigara mujeri kwehupenyu hwese mushure mekunge vapikisa mutongo uyu uye chichemo chavo chakwidzwa kudare guru reSupreme Court.
Kusandurwa kwemutongo wavo uyu kunotevera kubviswa kwechirango cherufu kubva mumitemo yeZimbabwe.
Shamba naMakore (snr) vakabatwa nemhosva yekuponda mwana uyu aive nemakore manomwe ekuberekwa mumwedzi waGunyana 2020 kwaMurewa.
Mumwe nemumwe wavo akatongerwa rufu munaChikunguru 2023. Zvisinei, munaKukadzi gore rino, Shamba naMakore (snr) vakashandisa kodzero dzavo ndokukwidza nyaya yavo kudare repamusoro apo Supreme Court isina kukwanisa kutsinhira mutongo wedare reHigh Court.
Vaviri ava vaive vapikisa kubatwa kwavakaitwa nemhosva uye nekutongerwa rufu.
Shamba, mufudzi wemombe, akabvuma kuti akanwisa mwana uyu zvinodhaka, kumuuraya pamwe nekugura-gura nhengo dzemuviri wake ukuwo Makore (snr) anova babamukuru vemushakabvu uyu akabatwa nemhosva yekumuvharira mumba make kwemaawa akawanda pazuva raakazopondwa.
Kunyange hazvo pasina humbowo hunonangana naMakore (snr) kuti akapara mhosva iyi, ndiye akapa imba yakaurayirwa mwana uyu.
Justice Munamato Mutevedzi vedare reHigh Court vakatemera varume vaviri ava chirango cherufu vachiti humhondi uhu hwakaitwa nenzira yakaipisisa. Kureurura kwaShamba kwakaratidza kuti vaviri ava vakarangana kwemazuva kana mavhiki kuti vapare mhosva iyi nechinangwa chekuti vawane mari kubva mukutengesa nhengo dzemuviri wemwana uyu kun’anga neUS$1 500.
Musoro, maoko nemakumbo emwana uyu zvakadimburwa apo dzimwe nhengo dzemuviri dzakawazowanikwa munzvimbo dzakasiyana- siyana.
Zvakadaro, musoro waTapihwa Makore (jnr) hauna kuzowanikwa zvachose apo dare rinotsinhira kuti humhondi uhwu hwakaitwa nenzira yekuda kuita mabasa ekuchekeresa.
Kuwanikwa kwemutumbi wemwana uyu kwakamutsa hasha dzakapararira munyika yose apo veruzhinji vaishuvira kuti kudai vapari vemhosva iyi varangwa zvakasimbarara kana kutongerwa rufu chairwo.
Mushure mekubviswa kwemutongo werufu, vanoona nezvekutongwa kwemhosva vari mushishi kuongorora nyaya dzese dzevasungwa vakange vatongerwa rufu kuti dzigoendeswa kuHigh Court kuitira kuti dzipiwe mimwe mitongo patsva.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *