Vana 2 vakafa ndadirwa mvura yemumagate . . . muporofita akati aindibvisa munyama

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuHatcliffe, muHarare uye kumusha achibva kuMarembera kuUzumba kwaMurehwa, anoti vana vake vaviri vakafa vasina kurwara mushure mekunge adirwa magate maviri emvura nemumwe muporofita achinzi iyi yaive nzira yekumubvisa munyama.

Mai Rodah Penzwa (53), avo vaimbonamata chechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe, vanoti vakaitirwa mhiko ndokugadzikwa mweya wenyoka nezvikwambo kumasowe apo vaive vaenda kunobatsirwa pane zvaivatambudza nemuporofita uyu.

“Ndinonzwa kumonerwa nenyoka muviri wese, kumakumbo kwangu kuchipinda mhepo yandisingazive kuti inobva kupi uyewo pane nyoka inobuda nepanhova pangu. Nyoka iyi ine musoro wemunhu uye inoshinha neni pamadiro ndakakotsira kana ndakasvinura ndichitoiona,” vanodaro Mai Penzwa.

Vanoti pavainamata kumasowe uku, vakadirwa mvura yaiva nemukaka nemukuru wesowe iri vachinzi vaibviswa minyama nemamhepo nekusimbiswa apo pakatangira dambudziko ravo.

“Pandakangodirwa magate maviri aya emvura, vana vangu vaviri – mukomana nemusikana –  vakabva vafa pasina kurwara. Ndakaenda kurufu rwevana ava rwakatevedzana uye handina kuzombodzoka kumasowe aya sezvo ndakaziviswa nemamwewo maporofita kuti ndakanga ndagadzirwa, ndatorerwa chiraramo changu,” vanodaro Mai Penzwa.

Vanoti vakazosangana nemuporofita wepasowe iri vakamutaurira dambudziko ravo rekusungwa nezvikwambo uyewo kumonerwa nenyoka nekuona zvidhoma asi akataurira kuti vaifanirwa kutanga vadzokera kuchechi uku kuti agone kuvasunungura.

“Muporofita uyu anoti haagone kundisunungura kusvikira ndadzokera kusowe kwake. Ndakafirwa nevana vangu vaviri zvisina tsarukano, iye zvino ndasara nevana vashanu asi vose havachauya kumba kwangu vachindipomera kuti ndinoroya,” vanodaro Mai Penzwa.

Vanoti mhuri yavo yose yava kuvaita varoyi nekuda kwemhiko dzakaiswa pavari idzi.

“Ndine nguva yekuti ini ndinosanduka muviri wangu kuita nyoka chaiyo, kutoona kuti chiso changu chava chenyoka. Ndaneta nekuitwa mudzimai nenyoka iyi zuva nezuva pamubhedha mumba medu mekurara baba varipo, kuenda kuchimbuzi chaiko idambudziko nekuda kwenyaya yekuitwa mudzimai nenyoka iyi,” vanodaro Mai Penzwa.

“Chokwadi kuita hupenyu hwekushinhwa nenyoka here murume aripo? Pamubhedha pedu ndinoona mazikatsi nemadzvinyu makuru zvisingazivikanwi kuti zvinobva kupi,” vanodaro Mai Penzwa.

Vanoti vanovharwa mweya wekufema imwe nguva vachidhonzwa pahuro nezvinhu zvavasingaone.

“Ndakaenda kumaporofita akasiyana nekudzin’anga asi hapana chakabatsira. Baba vanetawo nedambudziko iri, vana vangu vose vava kundiita muroyi nekudaro ndinoda kubatsirwa. Zvinhu zvandakapihwa nemuporofita uyu ndizvo zviri kuita kuti vana vangu vanditi ndiri muroyi asi handina kuromba ini,” vanodaro Mai Penzwa.

Mudzimai uyu anoti haachagona kuzvishandira nekuda kwekugara akamonerwa nenyoka iyo inomuita mudzimai pamadiro.

Zvisinei, Mai Penzwa vanoti havana kumbobvira vaenda kuchipatara kuti vanobatsirwa sezvo vachiti dambudziko ravo rinoda rubatsiro rwezvechivanhu.

Zvakadai, godobori Letwin Manguwo, avo vanonyanya kuzivikanwa nekunzi Gogo Mamoyo, vanoti muporofita akashandira Mai Penzwa anogona kunge aitorasarira zvinhu zvake zvaimunetsa kumudzimai uyu.

“Mudzimai uyu anoda kubatsirwa zvizere zvisati zvasvika pakaipa, munamati uyu ane hutsinye,” vanodaro Gogo Mamoyo.

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Owen Chingondi vekuChitungwiza vachiti pane hushereketwa hukuru hwakaitwa pana Mai Penzwa.

“Inyaya inosuwisa zvikuru kuti munhu anoenda achida kubatsirwa oguma ava kutakudzwa mitoro inorema seizvi. Imwe nguva amai ava havasi kuziva kwakatangira dambudziko ravo saka ngavaende kunyanzvi dzezvemweya vodudzirwa chokwadi, vanogonawo kuzora muporofita uyu iye asina zvaakavaita zvakaipa kwavari,” vanodaro Madzibaba Owen.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *