Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha waSabhuku Mashaka kudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro yapata musha uye yave kugara kuvavakidzani mushure mekunge dzimba dzose dzakapera kutsva nemoto uri kungotanga woga.
Manenji aya akatanga masvondo maviri akadarika pamba paVaRoy Mashaka (42) apo moto uyu wakaparadza dzimba dzose dzaivapo, kusanganisawo nezumbu rehuku nechirugu chembudzi.
VaMashaka vanoti moto uyu wakatanga masikati machena apo wakangonganduma muimba yavo yekurara pasina chakaubatidza.
“Moto uyu wakatanga masikati machena ndiripo pamba, wakavambira muimba yedu yekurara ndokungoona mava kupfumbuka. Wakabvira uchibva wazodzima woga, wakabatira zvakare mushure memazuva uchibva wapisa imba yose ine mipanda miviri,” vanodaro VaMashaka.
Vanoti moto uyu wakadzoka zvakare mushure memazuva mashanu uchibva wanobatidza chirugu chembudzi usiku.
“Moto uyu wakabatidza chirugwi chembudzi apo takazobuda tikamhanya kunoburitsa mbudzi kuti dzisapiswe nemoto. Imba yekubikira yataivaka yakazotsva ikadhirika mushurewo zvakare memazuva mashanu,” vanodaro VaMashaka.
Murume uyu, uyo anova nherera, akaroora aine mudzimai nevana vana (4).
VaMashaka vanoti moto uyu pawaibatira vaiedza kuudzimura asi zvaishaya basa.
Midziyo yakatsva nekuda kwemoto wemasaramusi uyu inosanganisira mubhedha, wodhiropu, magumbeze, mbatya dzemhuri yose uyewo nemayunifomu echikoro evana.
“Hapana chinhu chatakasara nacho, zvinhu zvose zvakatsva mbatya chaidzo dzekupfeka hatisisina. Chibage nekumwe kudya zvakatsvira mumba, magumbeze chaiwo hatina, magwaro ekuzvarwa kwedu neevana zvakatsvira mudzimba umu uyewo welding machine yandaishandisa kunama yakatsvawo,” vanodaro VaMashaka.
Vanoti zvekurimisawo zvinosanganisira fetiraiza nembeu zvose zvakapera kutsvira mumba kureva kuti basa rekurima radzokera kumashure.
“Dzimba dzose dzakapera kutsva, kutaura kudai takatotiza pamba tose nemhuri tikanopotera kumba kwevavakidzani vanova hama kwaPhillip Mutunha anova munin’ina anoshandira kure asingagare pamba pake,” vanodaro VaMashaka.
Vanoti semhuri, vava kutotya kudzokera pamba apa kunyangwe masikati machena nekuda kwechiitiko ichi.
Murume uyu, uyo anopinda chechi yeSt Johns, anoti akaenda kwakawanda achinobvunzira akataurirwa kuti kune hama yepadyo yechidzimai yakashereketa ikanotora mushonga weSandawana nekupindawo munyaya dzeSatanism zvinova zvaunza dambudziko iri rekutsvirwa nedzimba.
“Takataurirwa kuti kune hama yangu yepedyo yechidzimai yakashereketa yakatsvaga mushonga weSandawana nekupindawo muSatanism. Izvozvi ini ndinonzi ndinoda kuuraiwa saka ndiri mudambudziko,” vanodaro VaMashaka.
Vobvunzwa nezvenyaya yekuti hama iri kutaurwa iyi ine hupenyu hwakaita sei, vanoti mudzimai uyu ane mari zhinji neupenyu hwakanaka.
VaMashaka vanoti vakanotsvagawo miteuro vakacherera pamusha asi vakawana miteuro iyi yaburitswa kunze uyewo pachivanze pakamwaiwa hupfu nemunhu asina kuzivikanwa.
“Moto uyu wakagumisira kubvira nemusi weChishanu chakadarika apo patakabva tapata musha kuenda kunogara pavavakidzani. Ndiri kutsvagawo rubatsiro kune vanogona kundiyamura,” vanodaro VaMashaka.
Sabhuku Mashaka, VaPeter Mashaka (67), vanotsinhira dambudziko iri vachiti aya manenji akatarisana nemwana wemukoma wavo.
“Pane dambudziko iri kumwana wemukoma wangu uyo akashaika zvose nemudzimai wake. Ichokwadi dzimba dzakapera kutsva nemoto uri kutanga woga, wakapisa dzimba nemidziyo mumazuva akasiyana, kusanganisawo nechirugu chembudzi. Zvekufamba handizive kana vakafamba, ini handina kufamba navo,” vanodaro Sabhuku Mashaka.
Vanoti vakangonzwa kuti mhuri iyi yakazotiza pamba kunogara pavavakidzani vava kutya moto uyu uyewo nekuda kwekushaya pekugara zvichitevera kutsva kwakaita dzimba.
“Pamba pemhuri iyi hapana magetsi zvinganzi kubvira uku kwakonzerwa nemagetsi. Tinoda kuti mhuri iyi ibatsirwe sezvo kana chikafu hasisina nemagumbeze nezvekupfeka,” vanodaro Sabhuku Mashaka.



