Kingstone Mapupu
MHURI inogara kuStoneridge, muHarare inoti yaoneswa nhamo nekurohwa nezvidhoma izvo zvakonzera kuti vamwe vana vapate musha vachitizira kunzvimbo kwakasiyana.
Mai Nolin Hwende (38), avo vane vana vaviri vari kurohwa nezvidhoma, vanoti vashaya rugare nezano rekuita nekuda kwedambudziko iri.
“Ndaita dambudziko revana vangu vaviri vari kurohwa nezvidhoma vanoti mukomana anova mukuru nemusikana. Vakangotanga kurohwa nezvishiri kuno kuHarare mumwedzi waNdira gore rino. Ava vana vandakaita nemurume wangu wekutanga uyo ndakaita naye vana vatatu tikasiyana ndokuzotorwawo nemurume uyo ndinogara naye kuno kuStoneridge. Ndanga ndichigara nevana ava zvine mawirirano nemurume wangu wandinogara naye pamwechete nababa vavo. Mukomana uyu ane makore 21 okuberekwa uyewo musikana ane makore 16. Ndine vana 4 vanosanganisira mudiki wekupedzisira kumurume wandakasiyana naye nemumwechete kumurume wangu mutsva,” vanodaro Mai Hwende.
“Ndakasiyana nemurume wangu wekutanga nekuda kwezvikonzero zvakasiyana ndokuzoroorwa newechipiri. Mwana wangu mukomana mukuru akatoroora uyo aiva ava kugara nemudzimai wake kuEpworth achidzoka pano pamba. Zvakadai, nemusi wa13 Ndira gore rino, mwanasikana wangu akatanga kuita zvinhu zvisinganzwisiswe achitaura nemhepo kana kuti mweya waiti waiva wechikwambo uchiti mwana uyu aiva mudzimai wechikwambo achikarara,” vanodaro Mai Hwende.
“Mweya waibata pamwana uyu waitaura kuti unoda kubhadharwa sechikwambo mabasa ayo chinoti chaishanda. Takaedza kufamba naye pasina chakabatsira,” vanodaro Mai Hwende.
Vanoti mwanakomana wavo mukuru aigara kuEpworth akazotangawo kuita zvimwechete ari ikoko ndokushevedzwa achinzi akanga ava kurasa njere.
“Muridzi wepamba paanoroja akandishevedza achiti mwana wenyu anoda kundibaya nebanga ndikamhanya ikoko ndikanomutora zvakare kuuya naye kumba. Akasvika kuno ndokuedza kuzviwidzira mumvura mumugodhi wepano pamba, akazvidira mvura. Takatanga kufamba navo vose asi hapana chakabatsira. Vanoti kana zvikavabata, vanokarara vose sevane midzimu vakatarisana,” vanodaro Mai Hwende.
Musikana uyu vanoti anochema achitiza pamba achiti anoona kamurume kapfupi kane ndebvu refu kaine mbiya ine ramba mukati nemvura yeruvara rweblue.
“Mwana uyu akanditaurira zvose zvaanoona izvi achiti ndotambira here mbiya iyi, ndokumutaurira kuti azvirambe zvose. Dambudziko iri rakura, baba vevana ava nedzimwe hama dzacho vakazouya vakavatora kuenda navo kumusha kwavo kwaChiendambuya kwaRusape. Asi zvinonzi dambudziko iri harina kupera nekudaro tiri kutotsvaga rubatsiro kuruzhinji rwenyika kune vanokwanisa,” vanodaro Mai Hwende.
Vanoti vana ava imwe nguva vanokumura mbatya kusara vari musvo.
“Vamwe vanhu vakambofunga kuti vana ava vari kutora zvinodhaka izvo kwatinofamba zvichinzi mweya yetsvina nekurohwa nezvidhoma. Tatambura nevana ava, tinoda kubatsirwa,” vanodaro Mai Hwende.
Zvakadai, Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRECFEMI Ministries muHarare vanoti mhuri iyi inofanirwa kufamba pamwechete ichitsvaga rubatsiro kuti dambudziko revana ava ripere.
“Inyaya iri pachena kuti pane hushereketwa hwakaitwa saka zvinoda kuti vanhu ava vafambe pamwechete varapise vana ava nekuti havana zvavanoziva,” vanodaro Pastor Muchefa.



