Mukadzi aba kambucha kanokosha US$114k

Fidelis Chavarike

MUKADZI ane makore 28 okuberekwa wekwaMutare anonzi akabira kambani yaanoshandira yeKambucha Fresh Zimbabwe makesi echinwiwa chekambucha anokosha US$114 543.

Netsai Muredzi svondo rapera akamiswa pamberi pemutongi wedare reMutare Magistrates’ Court, Muzvare Perseverance Makala, achipomerwa mhosva yekuba sezvinotsanangurwa muchikamu cheSection 113(1) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Akaramba mhosva yekuba uye nyaya yacho ichaenderera mberi nekutongwa munguva pfupi iri kutevera.

Muchuchisi VaChris Munyuku vakaudza dare kuti Muredzi anonzi akabira kambani iyi makesi 12 781 echinwiwa chekambucha apo aiita basa rekutambira makesi aya nezvimwe zvinhu zvinenge zvabva kumuzimba weKambucha Fresh Zimbabwe, pakati paMbudzi 2023 naGunyana 2024.

“Panguva iyi, Muredzi ndiye akapihwa basa rekuona nezve’stock’, kurekodha zvinenge zvatengeswa uye kuzivisa kumahofisi makuru. Pakati penguva iri kutaurwa, Muredzi anonzi akatora midziyo yekambani achiziva uye nemaune, achizvidza Kambucha Fresh Zimbabwe kuva nekodzero yekuve mwene wemidziyo iyi.

“Kuverengwa kwemakesi kwakaitwa munaNyamavhuvhu panzvimbo paanoshandira, zvikaonekwa kuti pane mamwe akange asipo. Ongororo ye’forensic audit’ yakaitwa kubva munaMbudzi 2023 kusvika Gunyana 2, 2024, zvikaonekwa makesi 12 781 akanga asipo,” vakadaro.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa uye kufeewa kwakaitwa kwakaona Muredzi achisungwa.

“Senzira yekudzivirira kuzvidavirira nekunzvenga mhosva iyi uye asati asungwa, Muredzi akasiya basa kuKambucha Fresh Zimbabwe. Akabva asungwa. Humbowo hwakaunganidzwa panguva ye’forensic audit’ hwakaburitswa mudare,” vanodaro VaMunyuku.

Vanoti ongororo yakaitwa nechikwata chenyanzvi, yakaratidza zvekare kuti Muredzi akapara mhosva iyi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×