Mhuri yorumwa, kutemerwa nyora nezvisingaonekwe

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inota sebhaisikopo kana kuti firimu, mhuri inogara kuParkrage kuKuwadzana Extension, muHarare inoti yaoneswa pfumvu nekurumwa nezvinhu zvisingaonekwi, kuchekwa-chekwa muviri nemapanga anobva mumhepo uye nekutemerwa nyora nereza dzisingaonekwe zvekare.

Sekunge izvi zvishoma, vemhuri iyi vanotiwo vamwe vavo vari kufuma vakagerwa vhudzi.

VaClemence Hativagoni (51), avo kumusha vanobva kwaTandi kwaRusape kuManicaland, nemhuri yavo yevana vaviri nemudzimai ndivo vakatarisana nemanenji aya.

Dambudziko iri rinonzi rakatanga mugore ra2022 vachigara KuWestwood kuKambuzuma, muHarare paimba yekambani vakawanda nevamwe vashandi.

Mai Auxillia Chihowa (51) vanova mudzimai waVaHativagoni vanoti vaona nhamo nekurumwa nemasvosve uyewo nemajuru izvo vasingazvione sezvo vanongonzwa kurumwa chete.

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2022 tichigara kuWestwood kuKambuzuma apo ndaingochekwa nemapanga andaisaona nekuchekwawo nereza dzandaisaona zvakare. Zvakaenderera mberi kusvika izvozvi, ndinotoona ronda hombe rekuchekwa ndoridza mhere vanhu vouya vachitoona ndichibuda ropa mumaronda aya,” vanodaro Mai Chihowa.

Vanoti ropa remumaronda aya rinokurumidza kuoma.

“Zvinonzi kune mweya unobuda pandiri unotaura kuti izvi zvinokonzerwa nezvidhoma kana kuti zvikwambo zvinoda kundiuraya kuti zvidye nyama yangu zvichiti zvinobva kuMasvingo. Chinonetsa ndechekuti ini handibve kuMasvingo kana hama dziriko hatina, ini ndinobva kuBeatrice kuRinga uye murume wangu anobva kwaTandi kwaRusape kuManicaland,” vanodaro Mai Chihowa.

Vanoti vakazotama kubva kuWestwood vachiuya kumba kwavo kutsva kuParkrage uko vari kugara.

“Dambudziko iri riri kuenderera mberi. Ndakambotemerwa nyora panhova chaipo, tine vazukuru naamainini vakafuma vakagerwa vhudzi mumusoro avo vakazoguma vatiza pano. Muviri wangu ndinofambwa nemasvosve nemajuru andinonzwa, anondiruma pamadiro pose paanoda nekundipinda mudumbu,” vanodaro Mai Chihowa.

Vanoti nekuda kwedambudziko iri, vanogara vachikwenya nguva dzose nekuvaviwa kubva mukurumwa kwavanoitwa.

“Kuchekwa nebanga kana nereza zvava zvishoma asi zvikatanga ndinotoridza mhere vanhu vose vomuka. Kurumwa nemajuru nemasvosve zvikatangawo ndinobva ndamuka. Izvozvi muchitaura neni kudai ndava kutorumwa, zvandimomotera masvosve zvose nemajuru acho,” vanodaro Mai Chihowa.

Mudzimai uyu akabva atanga kukwenya zvakadarikidza apo vatori venhau vaivapo achitaridza kurwadziwa achiti airumwa kunyangwe pasina chaionekwa nemaziso enyama.

“Pano pamba panouyawo zvinhu zvinofamba pamusoro pemarata nemuno mumba nepanze izvo tisingaone, kwatinofamba tinonzi ndinoshandiswa nevanhu vanoda kundiita muroyi,” vanodaro Mai Chihowa.

Murume wavo, VaHativagoni, vanoti vanorumwawo nemasvosve nemajuru zvavasingaone uye vapedza kutengesa midziyo, mombe nezvimwe kuti vagone kuzvirapisa.

“Dambudziko rakabva kudzimba dzebasa dzataigara kuKambuzuma kuWestwood uko kwakatanga mudzimai wangu achichekwa nebanga nereza achidziuka maronda makuru uye achibatwa nemweya waitaura kuti unoda nyama uyo nanhasi unosvika. Takazobva tikauya kuno kumba kwedu tabva kuimba yekambani asi dambudziko iri riri kufambira mberi. Ini nemwana wangu musikana  tinorumwa zvakare,” vanodaro VaHativagoni.

Murume uyu, uyo anova gadhi kubasa kwake, anoenderera mberi achiti: “Tapedza mari nezvipfuyo kuti tizvirapise asi hapana chinobuda. Mwana wedu musikana akazogumira Form 6 akatadza kuenderera mberi nechikoro nekuda kwedambudziko iri.”

VaHativagoni vanotiwo vanonzwa shiri dzinobhururuka mumba asi vasidzingaoni zvakare.

Mwana wavo, Clarice Hativagoni (23), anoti ane dambudziko rekurumwawo nezvinhu zvinoita sekunge masvosve kana kuti majuru.

“Hatina rugare pano nevabereki vangu nekuda kwekurumwa nezvinhu zvatisingaoni izvi, tinogara tichikwenya. Amai vakaenda kuchipatara kasingaperi asi kukashaikwa chirwere. Ini ndakasiira chikoro panzira nekushayirwa mari uyewo ndakabuda ne6 points paForm 6 nekudaro ndinoda kudzokera kuchikoro,” anodaro Clarice.

Dr Enock Maidah vekuUniversity of Zimbabwe (UZ), avo vanove nyanzvi kudivi rezvemishonga, vanokurudzira vemhuri iyi kuti vaende kuchipatara vanobatsira nanachiremba vanove nyanzvi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×