Vatambi 200 veKarate votiburana

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kuCity Sports Centre muHarare kutanga nemusi weChishanu chino kusvika musi weSvondo apo shasha dzeKarate dzinodarika 200 dzicharwira kuti dzigosimudzirwa mabhande emutambo uyu (grading).

Mutambo uyu uri kurongwa nesangano reKyokushin Budokan Zimbabwe yakabatana neHarare City Martial Arts Club mukuunza shasha yekarate ine mukurumbira pasi rese – Hanshi Hennie Bosman – uyo anove sachigaro weInternational Kyokushin Budokan.

Hennie Bosman ane chiremerera chekuve ne8th Dan Black Belt.

Shasha iyi inogara kuCape Town uye ari kuuya achiperekedzwa naShihan Sydney Vheremu anove chizvarwa chemuZimbabwe uye achigarawo kuSouth Africa uyo ane chiremerera che5th Dan Black Belt muKarate.

Hanshi Bosman ari kuuya kuzoona mitambo ichatambwa uye ndiye achazopa magwaro ekusimudzira vatambi vachapasa pazvirongwa zvese zvavachaitiswa kutanga musi weChishanu kusvika neSvondo.

Munyori mukuru weKyokushin Budokan Zimbabwe – Sempai Piniel Nzvenga – uyo anove zvekare munyori mukuru kuHarare City Martial Arts Club, anoti vatambi vanodarika 200 vachakwikwidza pamutambo uyu.

“Tiri kufara zvikuru nekuti takapihwa chiremerera chekushanyirwa nenyanzvi yeKarate pasi rese, Hanshi Hennie Bosman, uyo ari kuuya kuzoitisa zvidzidzo zveKarate kutanga musi weChishanu chino kusvika musi weSvondo pamwechete nekuzopa magiredhi (grades) matsva kune vatambi veblack belt avo vanenge vakunda.

“Vatambi vanodarika 200 vachauya pamutambo uyu uye vari kurwira kuti vagosimudzirwa vaende padanho re3rd Dan Black Belt.

“Hanshi Bosman ari muboka re8th Dan Black Belt, boka iro rinosvikwa nenyanzvi dzepamusoro-soro. Saka tiri kukurudzira vatambi vachakwikwidza svondo rino kuti vagoshanda nesimba pamutambo uyu,” anodaro Sempai Nzvenga.

Mutambo uyu usati watanga, Hanshi Bosman achashanyira meya weguta reHarare.

Achabatana zvekare neKyokushin Budokan pamwe neHarare City Martial Arts Club pachirongwa cheNational Cleanup Campaign Day izvo zvichaona vachitsvaira nekuchenesa nzvimbo yakakomberedza paTown House muguta reHarare.Sachigaro weKyokushin Budokan – Sempai Dzidzai Enias Mombo – ari zvekare maneja weHarare City Martial Arts Club, anoti vari kushanda nesimba kuti mutambo weKarate ugofundiswa muzvikoro.

“Vazhinji vanofunga kuti karate ndeyekurwisa vamwe vanhu kana kuita mhirizhonga, kwete, karate inodzidzisa munhu kuzvibata, kuzvininipisa uye kufundisa vechidiki kuti vasiye zvinodhaka.

“Isu tiri kuda kuona mutambo uyu uchitambwa muzvikoro sezvinoitwa mimwe mitambo yakadai senhabvu, cricket nerugby. Karate, seimwe mitambo, itori nezvikwata zvenyika uye munhu anotokwanisa kuenda kunomirira nyika kunze nemutambo uyu,” anodaro Sempai Mombo.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×