Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wekwaNjelele, kuGokwe, anoti ane pamuviri pasvika makore matanhatu pasina kusunungukwa uye anofungira kuti akaroyiwa izvo zvinozivikanwa nekunzi kusungwa pachivanhu.
Mai Ottillia Mpofu (51) vemubhuku raMashovo, vanoti vane dambudziko repamuviri pasingasunungukwe.
“Parinobuda zuva nekuny’ura ndinongoti zuva rangu rekufa rave kusvika. Tava kungozvitarisa nemurume wangu, Jimmy Musindo (53) nevana.
“Kuchipatara cheGokwe ndinoenda asi hapana chiri kubatsira. Handirare nekurwadziwa uye kuita tsvina neweti kunondinetsa zvikuru,” vanodaro Mai Mpofu.
Mukadzi uyu anoti akaroorwa nemurume wake mugore ra1985 ndokuita vana vatanhatu pasina dambudziko, wekutanga anova wa1986 uyewo wekugumisira aine makore 13 okuberekwa.
“Dumbu iri mumakore matanhatu ndiinaro handitevere. Ndakangotanga ndichirwadziwa neparutivi nemudumbu ndichitadza kufamba ndokuendeswa kun’anga. Ndakazoenda kuchipatara cheGokwe uko ndakanotariswa ndikanzi ndairwadziwa nemoyo ndokupihwa mapiritsi ainzi ekudhonza mvura mumoyo ayo ndinonwa nanhasi,” vanodaro.
“Ndinongotenga mapiritsi aya nguva nenguva asi hapana chinoshanduka kunze kwekuti makumbo angu anozvimba muviri wose uchirwadza. Huremu hwangu hunoramba huri panzvimbo imwe chete, 52kg.”
Mai Mpofu vanoti kunyangwe zvavo vachifungira kuti vane pamuviri, mudumbu mavo hamutambe-tambe sezvinoita memukadzi anenge akazvitakura.
Mudzimai uyu anoti zvakare haana kumbobvira aenda kuchipatara nechinangwa chekuti anotariswa kana aine pamuviri.
Mai Mpofu vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwekuti vakwanise kuenda kumachiremba epamusoro kunoongororwa zvakare nekuti dumbu ravo riri kuramba richikura.
Zvichakadai, Mambo Njelele, VaMoses Micheck Njelele, vanoti vange vasingazive kuti mudunhu ravo mune mudzimai ane denda rakadai kusvikira apo vakazoshanyira mhuri iyi ichichema nekuda kwenzara.
“Samambo, ndinokumbira kuti vanokwanisa vabatsire mukadzi uyu nekuti atambura zvikuru. Vanorarama nekurima bindu izvo vanoti mudzimai uyu haachakwanisa kuita basa iri nekurwara,” vanodaro mambo ava.
“Ini chishuwo changu kuti mudzimai uyu abatsirwe agorarama achengete vana vake sevamwewo naizvozvo ndinokumbira veruzhinji vangakwanisa kumubatsira.”
Gore rapera pamberi, Kwayedza yakaburitsa nyaya dzevanhukadzi vatatu, vanoti wekuHighfield, Norton nekuDomboshava avo vaiva vakazvimba kana kuti kufutunuka matumbu zvakanyanyisa, vamwe vachifungira kuti vane mimba.
Vakadzi ava vose vakazovhiiwa pachena kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital uko vakabviswa zvinhu kana kuti mazinyama akakurisa mumatumbu avo.
Panguva iyi, chamangwiza wechipatara ichi, Dr Obediah Moyo vakati dambudziko iri rinoitika kuvanhukadzi vakawanda uye zvakakosha kuti vanenge vaita izvi vakasike kuenda kuchipatara pane kufungira kuti ndezvechivanhu.
Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanoridza nhare panhamba dzinoti 0778 585 942 kana dzaMambo Njelele dzinoti 0773 412 802.




