‘Mimba yako ndinoibvisa’

Lizzy Mushoriwa

MUKADZI wekumitiswa nemurume akaroora ava kuzvidemba sezvo achiti ari kugara akabatira hana mumawoko nekuti mudzimai wababa ava ari kumuti anoda kuti nhumbu iyoyo ibve, kunyangwe zvodini.

Agnes Tanyaradzwa akaendesa mudzimai wemurume waanodanana naye, Fadzai Nyemba, kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza.

“Mambo wangu, amai ava vanondishungurudza. Anouya kubasa kwangu achindituka uye kundirova.

“Anouya nemhomho yevanhu zvekuti pane imwe nguva ndakatozohwanda vachida kundirova. Mukadzi uyu anoti ndisiyane nemurume wandiri kudanana naye achiti ndewake, anozviti iye mukadzi wake asi murume wacho anozviramba,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Zvakare ndava kugara ndichitya nekuti anonditi anoda kubvisa nhumbu yandinayo. Handizive kuti achaita sei saka ndava kutyira upenyu hwangu.”

Achipawo divi rake, Nyemba anoti haashungurudze Tanyaradzwa asi kuti anoda kuti asiyane nemurume wake.

“Ngaasiyane nemurume wangu chete, ini ndakaroorwa pachivanhu saka murume ndewangu, haanyare chete.

“Mufunge tinotogara pedyo nepedyo asi ndopaanoita mashura akadai. Murume wangu ndakamubvunza akati musikana uyu ndiye ari kufambisa mashoko ekunyepa asi handina kuzviterera nekuti uyu akatombonditumira mapikicha vakarara vose.

“Handitombomuitire mhirizhonga ini, anonyepa,” anodaro Nyemba. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Tanyaradzwa gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *