Minda kuvanhukadzi: Dinha

GURUKOTA reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland Central, Advocate Martin Dinha, vari kukurudzira kuti vanhukadzi vapihwe minda vachiti vari kurima zvemhando yepamusoro izvo zviri kusimudzira upfumi hwenyika.
Vakataura mashoko aya svondo rapera pagungano rakaitirwa kuGuruve pakugashidzwa kwetirakita kumurimi wechidzimai uyo akakunda vamwe vose kuzviratidzwa zveshoo yevarimi, yeHarare Agricutural Show, iyo yakaitirwa muguta reHarare nguva yadarika.

Mai Nyasha Tapererwa (26), vekwaShe Chipuriro kuGuruve, ndivo vakakunda vamwe varimi vose vakawana chipo chetirakita kubva kukambani yeSouthern Region Trading, iyo inotengesa matirakita nezvimwe.

Adv Dinha vakapa muenzaniso waMai Tapererwa, avo vavakati mudzimai akaratidza kugona kurima nekukunda vamwe vose munyika, kusanganisira vanhurume.

“Ndinoti madzimai mazhinji apihwe minda nekuti ndivo vari kurima kudarika varume. Kurima kwemadzimai kuri kusimudzira nyika saka tinoti dai vawaniswa minda nekuti ndivo vanorima mumisha,” vakadaro.

Vakakumbira vakuru veHurumende kuti vape minda kuvanhu vanoida uye vachikwanisa kurima.

“Madzimai emudunhu rino reMashonaland Central vanondidadisa, kundipasa manyemwe chaiko. Gore rakapera taiva muno zvakare muGuruve kune mudzimai akakunda vamwe varimi akawanawo tirakita,” vakadaro.

Mai Tapererwa vakagashidzwa tirakita iyi naVaDominic Kaserere, avo vanova director wekambani yeSouthern Region Trading. Mudzimai uyu aive akarima zvirimwa zvinosanganisira chibage mahekita mapfumbamwe, fodya hekita nechidimbu uyewo anorima muriwo nekupfuya zvipfuyo zvakaita semombe. Murimi uyu, uyo anorima nemurume wake – VaLiberty Tapererwa (40) – aiva akarima mbeu yeSeed Co inosanganisira SC727, SC719, SC637, SC635 neSC608.

“Ndinonzwa kufara zvikuru kuwana mubairo wakadai, ikurudziro yangu kuvanhukadzi vose kuti vasagarire mawoko asi kuti tisimuke tisimudzire nyika,” vakadaro. Vamwe vanhu vaiva pagungano iri vaisanganisira VaIvan Craig vekambani yeSeed Co, avo vakapawo mbeu pachena kuvarimi veuku.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×