Opunduka nehuchi

PANGUVA iyo vamwe vechidiki vari kuchema-chema nekuda kwekushomeka kwemabasa, mumwe murimi wezera ravo anogara kuBanket oita zvinorova kuburikidza nebhindauko rekupfuya nyuchi achitengesa huchi.
Takudzwa Mapichi (30) akurumbira zvikuru nebasa rake rekupfuya nyuchi uye anoti haambofunga zvekutsvaga basa sezvo ari kuzvishandira.

Anoti akatanga bhindauko iri mugore ra2004 mushure mekunge aona kuti kungogarira mawoko hakuna pundutso.

“Ndakawana ruzivo urwu kuburikidza nechikwata chaifamba chichidzidzisa vanhu mabasa emawoko akasiyana apo ndakasarudza kuchengeta nyuchi,” akadaro.

Parizvino ane mikoko yaakagadzira inosvika 55 yaanomora huchi achitengesa apo anoti mukoko mumwe chete unoburitsa marita 20 ehuchi.

“Pagore roga-roga ndinokohwa kanokwana katatu uye kubvira mumwedzi waChikumi kusvika Nyamavhuvhu ndipo panokohweka huchi hwakawanda,” akadaro Takudzwa.

Muchinda uyu anoti huchi hwake anotengesera kunzvimbo dzakaita seMasvingo, Mvurwi, Karoi, neKwekwe.

“Kupfuya nyuchi kune njodzi kana uchinge usina mbatya dzinoshandiswa pakumora huchi, “ akadaro Takudzwa.

Anoti pakumora huchi havaite zvekuuraya nyuchi asi kuti vanoshandisa ndove iyo vanoita kuti dzifeme dzidhakwe vagomora pasina njodzi vakapfeka nhumbi dzekuzvidzivirira kurumwa.

“Dambudziko riri pamazuva ayo nyuchi dzinenge dzisina chekudya pakunenge kusina maruva, tinotodzipa kudya kweshuga yatinosanganisa nemunyu nemvura,” akadaro.

Rimwe dambudziko ravanosangana naro ndere masvosve ayo anoti anokanganisa nyuchi kugadzira huchi zvakanaka kana akapinda mumikoko. “Asi nekukura kwandiri kuita, ndave kukwanisawo kutenga mishonga inodiwa kudzivirira zvakaita semasvosve aya kuti asakanganise nyuchi,” akadaro. “Yambiro yangu, ndinoda kukurudzira vechidiki kuti vatsvage mabhindauko ekuita sezvo mabasa emawoko achigona kuti munhu ararame zvisina dambudziko,” akadaro Takudzwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×