Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yakatambira mishonga yakawanda iyo ichashandiswa kurwisa chirwere chechimbwamupengo kubva kusangano reWorld Organisation for Animal (OIE).
Mishonga iyi ichasevenzeswa kubaya zvipfuyo zvakaita sembwa munyika yose pasi pechirongwa chekurwisa chirwere ichi.
Vachitaura pakutambidzwa kwemishonga iyi nguva pfupi yadarika, mutevedzeri wegurukota rinoona nezveminda, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu vekumaruwa, VaVangelis Haritatos, vanotenda sangano reOIE nerubatsiro urwu.
“Senyika, tinotenda sangano reWorld Organisation for Animal nekutibatsira nemishonga 110 000 yekurwisa chimbwamupengo inova inokosha €25 000. Tichatangisa chirongwa chekudzivirira chirwere ichi munyika yose nedonzvo rekuti tichipedze panozosvika gore ra2030.
“Tinotendazve sangano reEuropean Union nekutsigira kwarakaita nemari kuOIE kuti ikwanise kutenga mishonga iyi,” vanodaro.
VaHaritatos vanoti mishonga iyi ichashandiswa kudzivirira chimbwamupengo mumaguta nekumaruwa uye chirongwa chekubaiswa kwembwa chichatanga mumatunhu akasiyana kubvira nomusi wa23 Gunyana.
“Mimwe mishonga yedzokororo (booster vaccines) ichabaiwa imbwa mushure memwedzi mitanhatu. Kubaiswa kwembwa uku kunenge kuchiitwa pachena uye imbwa dzinenge dzapihwa mishonga iyi dzinoiswa mucherechedzo kuitira panozoitwa tevedzo yekubaiswa kwadzo zvakare,” vanodaro.
VaHaritatos vanoti kana chirwere chechimbwamupengo chikasadzivirirwa, chinokonzera rufu kuimbwa nekuvanhu vadzinoruma.
Chimbwamupengo chinokonzerwa neutachiona hunonzi Zoonitic Virus
“Chimbwamupengo chakatekeshera muZimbabwe uye mumakore mana adarika chakatora upenyu hwevanhu 106. Pasi rose, chimbwamupengo chinouraya vanhu 59 000 pagore. Idambudziko guru pasi rose nekudaro chinofanira kurwiswa,” vanodaro.
Vanoti chirongwa cheGlobal Rabies Elimination Strategy chinopa mukana wekuti imbwa dzidzivirirwe kubva kuchimbwamupengo nechikamu chingaita 70 percent.
Mumiririri weOIE, Dr Moetapele Letshwenyo vanoti vana ndivo vari panyatwa yekubatwa nechimbwamupengo.
“Vanhu vana pakati pegumi voga-voga avo vakarumwa nembwa paine fungidziro yekuti vanogona kunge vaine chirwere ichi vane makore ari pasi pe15 ekuberekwa, ndiko kusaka tichiti vechidiki vari panjodzi yekubatwa nacho,” vanodaro.
Mumiririri wesangano reWorld Health Organisation (WHO), Dr Stanley Midzi, vanoti kubaiswa kwembwa ndiyo yoga nzira inobatsira mukuderedza chimbwamupengo.
“Vanhu vanorumwa nembwa vanofanirawo kupihwa mishonga inovadzivirira mukubatira chirwere ichi inonzi Post-Exposure Prophylaxis (PEP),” vanodaro.




