CHITSAUKO 7 (Ongororo: Endereo mberi)
Kuve murombo uku kunodimikirwa kuchinzi “nokuti vaiva murombo wenhehwe chena chaiyo” (29). Ushamwari pakati paWinnie naRudo hwakakura hukasimba izvo zvakanzi “kusvika hwava mukombe nechirongo” (30).
Enzaniso tinodziwanawo shoma, kunyanya paPeji 28. Tinoudzwa kuti Winnie kainge kakaondoroka zvikuru kachionekwa apo kainge kogonawo kumira kachidzengereka “sorwaivhi ruri padzinde rorukweza.” Kuondoroka kwakainge kakaita kunoenzaniswa “kunge mhuru yakafirwa naamai vayo” itwo tumakumbo tuchinzi “twainge twutatira twotumiseve”. Shamwari dzake dzaigara dzichimuvenga Winnie nekuti aifunga “somukadzi mukuru” (29).
Tinosangana nemazwi anove musoro webhuku iri apo Winnie anenge achitaura neshamwari yake Rudo. Tinomunzwa achidoma kaviri musoro webhuku iri achiti “Pafunge, shamwari” (30). Izvi zvinoita kuti tive neminongedzo inotiratidza kuti munyori anorevei. Tichazonatsa kunzwisisa musoro webhuku iri mukuverenga kwatichaita.
CHITSAUKO 8 Nyaya yacho
Mumwe munhu anokura akangoondoroka saWinnie ndiJosiah Rugare, kaive kagoremucheche kemunhu kakatamba upwere neujaya nemazera mana. Tinodzidzawo nezvetsika nemaitiro ake. Baba vake vakamboedza kumupinza mugwaro kwaro asi zvainzwikwa nani?
Tinonzwa kuti kamukomana aka kakanga karimirana kumugano nebadza, kari murwarazhizha chaiye, kachigarochema-chema kuti musoro wako unogarorwadza. Nerimwe zuva baba vake, baba vaTimoti, vanoedza kumutsiura nezvetsika iyi asi mapindurirwo avanoitwa naJosiah anoita kuti mukuru uyu afunge zvekurova mwana wake nezvibhakera, iye mwana wacho akati handingarohwi sehwai, ndinotodzorerawo.
Phainos Kamunda ndiye anozopindira mubopoto iri achiti Josiah kana ashaya wekurwa naye ngaauye arwe naye. Panorwiwa dzamara Josiah achidamburwa nepadama opunzikira pasi kwava kudiridzwa nemvura kuti adzidziuke.
Rugare nemukomana uyu wekumurova vanozove shamwari dzemandorokwati. Phainos, uyo aidzidzisa paMharapara mishoni, ainge zvake ari kufamba nemaraini omaSadzajena achitsvaka huku dzokutenga.
Kubvira panguva yaanopopotedzana nevabereki vake, Josiah anotangisa musikanzwa kunze kwemusha. Anoshamwaridzana nemumwe sisitenzi webhazi raipfuura nekwaSadzajena uyo anonzi Ozias Maware pamwepo naPhainos Kamunda, vatatu ava vakaita mbiri yekumitisa vana vevanhu vachivaramba. Mumwewo musikana anonzi Annatoria akaitwawo zvimwe chetezvo naJosiah.
VaRugare ndivo vanogara vakaripa mhosva dzaJosiah zvokuti dzakatsvaira danga ravo rose vakasara vangova munhu zvake.
Kwese kwese munyika vana vaJosiah vakanga vasingaverengeki achishandisa hwahwa pamabasa ake aya pavanasikana vakazvigarira zvavo pamisha yavo kana kuti vakange vachizvishandira muzvakanaka. Vana ava vaizorerwa kumadzimbuya kana kuti nevamwewo vainge vari hama munaKristu kumadzimai avo sezvakaitwa Rudo.
Kuna VaRugare nemudzimai wavo avo vaipinda svondo vana vavanozvara havafanani navo. VaRugare vaiti kana mudzimu yava nenyota, vaiibikira kakari vana vavo vachingozviraramira ivo pachavo vanasikana vavo vachiperera muchiRungu umo vaiita basa risingatauriki vakomanawo vachiperera mumapurazi efodya.
Mumwe mwana wavo uyo raive dangwe ravo rainzi Timoti aive mukwenyi wegitare papurazi paanoshanda, nguva dzose achiuya kumba achiridza gitare rake achiimba karwiyo. Josiah ndiye anonyanya kurwadzisa vabereki vake uyo anosiya aparadza musha kwava kuenda zvachose kuGweru asingazivi kuti kudenga kunei.
Enderero mberi svondo rinouya.




