Monika naTimoti vanonoona Tendai

CHITSAUKO 10 (Ongororo: Enderero mberi)

Rufaro rwunouya zvechokwa kuna Monika izvo tinonzwa zvichinzi rufaro urwu rwakauya, “semhuru dzinopembera pedyo nedanga nguva yemadokazuva” (54). Zvinhu zvakaita setyava, zvikohwiyo nebhanan’ana zvichirira kuri kuratidza rufaro rweZhizha rwuchauya.

Pfekedzaunhu (personification) ndiyo yatinoona ichishandiswa zvine mukurumbira. Tinobva tatanga kuudzwa muchitsauko ichi kuti “chirimo nemhepo yake yaNyamavhuvhu akanga achangoenda, asati ambopota seri kwechikomo choRugunhe. Zhizha achibva aputika negukurahundi rake raive nechimvuramahwe” (52). Tinonzwa munyori achienderera mberi nepfekedzahunhu iyi achiti, “uswa hwakabuda hwukapfekedza utsva hwakanga hwapiswa muchirimo” (52).

Mimwe mienzaniso yepfekedzahunhu ndiyo inoti “Zhizha akanga abva kwaakanga ashanya nechihoihoi chake munyika yose” (52). Zuva akanga asingaoneki” (52).

Hameno kuti iri dimikira iri range rosvetukwa sei asi rinotiratidza kutwubwida kwerufaro rwaMonika uko akatadza kudzikamisa apo akaverenga tsamba yakabva kuna Timoti izvo zvinodimikirwa zvichinzi “munoziva zvinoita tsime rakanga rapwa kana rozobuda mvura” (54).

CHITSAUKO 11 (Nyaya yacho)

Monika naTimoti vanoenda kunoona Tendai kuChivhumudhara. VaChingweru vanomboda kuita nharo dzekuti Monika asaende asi mukadzi mukuru ndokuzviregedza anzwa mwana wavo achiti vakaramba chete anozvisunga. Vainge varayana naTimoti kuti vaizosangana munzira payaiparadzana neyaibva kwamainini vaTimoti.

Vari munzira kuenda, Timoti anosimudzira nyaya iya yokuti Monika amuudze, munhukadzi ndokumuudza kuti aizomutaurira kana vava kudzoka musi weChishanu. Vasvika paishanda Tendai, muRungu wake aenda kuNyanga kunoshanya. Vanogamuchirwa zvakanaka Tendai achiratidza kushushikana kwake nekuonda kwainge kwaitwa Monika uyo anoti haana kuvanyorera tsamba achivaudza nezvekurwara kwake achitya kuti vaizoparadza mari napasina zviripo.

Timoti anoenda naTendai kuzvitoro kunotenga. Vari munzira vachikurukura, Timoti achivataurira kuti amai vake vainge vakashaya, baba vake ndokuroora mumwe mukadzi aimushusha chaizvo, Monika ainge amuudza zvose zvemumba mavo, kupopotedzana kunomuka mudzimba nepamusaka pekusawirirana.

Zvokuda kuroora Monika uko aida kuita paishaikwa chakavandika pakati pavo vari vaviri, Monika arege kumunyara kana paine zvaainge achida kutaura naye, uyewo nezvekuti Monika ainge amutaurira kuti zvichatinetsei kutaura naamai vake.

Tendai anofadzwa kunzwa Timoti achiti haasi kuda zvekunyengedza Monika, ofarazve nekuti vanodanana semukombe nechirongo. Anobvuma kuti kungava kukanganisa kukuru kufunga kuti zvinhu zvose zvichanaka nekuti kushanda kwasatani hakuzivikanwi, kana zviri zvamai vavo, vaviri ava ngavatozvikanganwa zvavo.

Amai vavo vanofunga kuti kugara nemwana pamusha ndiko kuti afare. Zvataurwa naTimoti zvose azvinzwa, achataura naMonika asi chinonetsa nemunin’ina wake uyu ndechekuti anonyara asi vachaedza napose pavanogona kuti vataure naye. Timoti anovakohomedza kuti vabvunzisise kuti chii chiri kumunetsa.

ONGORORO:

Tinoona munyori achishandisa musambo uya wekunonoka kutaura chinhu (delayed tactics) uye unoita kuti muverengi ave nehavi yekuda kuziva zvichazoitika. Timoti apo anobvunza Monika zvaakati achamutaurira, muverengi agadzirira kunzwa kuti chii, asi ndipo anoti ndichakutaurira kana tava kudzoka” (57). Izvo zvinoita kuti muverengi arambe achida kuverenga bhuku kuti azonzwa kuti zvinoda kutaurwa naMonika zvacho ndezvipi uyo unove musambo wekuti muverengi arambe ari panhongonya pfungwa (suspension).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×