Mitambo yeDivision One yadzoka

Abel Ndooka

MWAKA mutsva weNorthern Region Soccer League (NRSL) uchatanga nemusi wa4 Kubvumbi apo zvikwata 20 zvemuligi iri remuDivision One zvicharwira chinzvimbo chekupinda muCastle Lager Premiership gore rinotevera.

Sachigaro weNRSL – Martin Kweza – akazivisa svondo radarika muHarare pamusangano wavo weAnnual General Meeting kuti mwaka weNRSL wa2025 uchatanga musi wa4 Kubvumbi.

Anoti gadziriro dzese dzekuti mwaka wavo uchitanga dzakafamba zvakanaka.

“Mwaka wedu wa2025 uri kutanga musi wa4 Kubvumbi uye tiri kutarisira kuona mitambo yedu ichifamba zvakanaka,” anodaro Kweza.

Anoti iye zvino komiti inoongorora nhandare iri mushishi kufamba ichitenderera ichiona nhandare dzakasiyana kuti dzasvika here padanho rinotarisirwa kuti dzigotambirwa mitambo yeNRSL.

“Isu tinodada kuti tiri pamberi pakuronga mitambo yedu uye inofamba zvakanaka. Komiti yedu inoongorora nhandare iri mushishi kutenderera ichitarisa dzichange dzichishandiswa nezvikwata zvakasiyana gore rino kuti dzave papi.

“Tinokoshesa nhandare uye tinoda kuti dzinoshandiswa nezvikwata zvedu dzinge dziri dzepamusoro nekuti tinoda kuona nhabvu inonwisa mvura ichitambwa,” anodaro Kweza.

Zvakadaro, Kweza akazivisa kuti chikwata cheCentenary United chakaburitswa muligi ravo sezvo chakakundikana kubhadhara mari yekuve nhengo inodiwa neNRSL.

“Tine hurombo kuzivisa kuti chikwata cheCentenary United takachidzinga sezvo chakakundikana kubhadhara mari yeAffiliation, saka takabva tasara tisisina zvekuita asi kuvadzingwa nekuti kuti chikwata chinzi ndechedu muNRSL chinofanira kunge chakabhadhara mari yeAffiliation.

“Manje vakakundikana isu tikabva tatora danho iri kunyangwe zvazvo tisingadi kudzinga zvikwata,” anodaro Kweza.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *