Mushandi weMukuru aba US$23 393, ndokutiza

Fidelis Chavarike

MURUME anoshandira kambani yeMukuru kwaRusape, Jasper Pondo (31), anonzi akaba US$23 393 neR9 500 musefa (safe) inogara mari ndokubva atiza nayo.

Mapurisa ari mushishi kumutsvaga.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti Pondo akaba mari iyi mushure mekunge yaunzwa neFawcett Security Company munaKurume 2025.

Humbavha uhu hwakazivikanwa apo Eunia Masanhi (40), wekuN. Richards, akaona kuti Pondo aiudza vanhu vaida kutora mari kuti vaende kune mimwe mizinda yeMukuru iri maRusape zvakaita kuti pamuzinda uyu bhizimisi ridzikire.

Masanhi akabva azoudza Christopher Govanai anove supavhisa weMukuru uyo akaudzawo veFawcett Security vekwaRusape kuti vaferefete nyaya iyi nemusi wa25 Kurume, 2025.

Mukuferefetwa kwenyaya iyi, Pondo akawanikwa ari pabasa, asi akabva azonyangarika apo akabuda muhofisi achinyepera seaidaira nharembozha yake.

Vashandi veFawcett Security pavakavhura sefa inogara mari, vakawana musina chinhu.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kuZRP Rusape Central.

Asst Insp Chinyoka vanokumbira kune veruzhinji vanoziva kuna Pondo kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *