Mitambo yePSL yambomiswa

Abel Ndooka

MITAMBO yeCastle Lager Premier Soccer League yesvondo rino yambomiswa senzira yekupa mukana kuchikwata cheWarriors icho chichasangana mumitambo miviri yehushamwari neBurkina Faso neNiger kuMorocco.

Sangano rePremier Soccer League (PSL) rakazivisa kuti mitambo iyi ichazosimudzirwa nemusi wa13 Chikumi.

Muchinyorwa chakabva kuPSL, mutauriri wesangano iri – Kudzai Bare – anoti PSL iri kucherechedza vhiki iro rakatarwa neFIFA kuti svondo rino rigotambwa mitambo yenyika.

“Sangano rePremier Soccer League rinoda kuzivisa vose vane chekuita nenhabvu kuti ligi richacherechedza kutura kabefu maererano nehwindo reFIFA International kuitira kuti chikwata cheZimbabwe Warriors chigotamba mitambo yacho yehushamwari kuMorocco.

“Kuchange kusina mitambo yePSL panguva iyi.

“Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League ichazosimudzira musi wa13 Chikumi 2025,” anodaro Bare.

Zvakadaro, PSL iri kuenda pazororo apo chikwata cheMWOS FC chakatungamira palogo nezvibodzwa 30 kubva pamitambo 14.

Svondo radarika, MWOS FC yakakunda Scottland FC 1-0 kuNgoni Stadium kuNorton, mumutambo uyo wainge wakatariswa zvikuru nevatsigiri venhabvu.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×