‘Ndakanwa doro nechipoko’ . . . ndokuzoperekedzwa 20km kuenda kumba

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inoita sebhaisikopo, murume wechidiki wekwaSabhuku Manhanhanha kwaMabhauwa kwaSeke anoti akasangana nechipoko chemunhurume mubhawa rekuMarondera ndokunwa nacho doro uye chikazomuperekedza kumba netsoka husiku kwechinhambwe chinodarika makiromita 20.

Vusa Matoto (24) anoti ava kugara achitya nekuda kwechiitiko ichi.

Anoti akasangana nemanenji aya achibva kumusha kwaamai vake kwaMurehwa apo akakwira kombi husiku achienda kuMarondera achizoda kudarikira kwaSeke kumusha kwake.

“Ndaingonzwa nyaya yekunzi kune zvipoko kana kuti manyin’inya ndakazozvionera pamhuno sefodya svondo rakapera. Ndakabva kwaMurehwa kuma7 husiku apo ndakakwira kombi iyo yakasvikondiburutsira mudhorobha reMarondera kuma9 usiku ndichibva ndaenda mubhawa kuDombotombo,” anodaro Matoto.

Anoti kwakazouya mumwe murume aiva nemhotsi mumusoro aine mhopo dzakawanda kumeso uyo akasvikotanga kunwa doro ari padivi pake.

“Murume uyu, uyo asina kutaura zita rake, akabva ataura kuti aibva kwaMurehwa achigara kwaSeke kune rimwe purazi. Akati aindiziva achitaura zvinhu zvose zvekumba kwedu zvakadai sekuti taimbova nezvigayo kare. Takazochinja bhawa ndiine pfungwa dzekuda kurara mubhawa sezvo makombi ekuenda kwaSeke kwakanga kusisina. Murume uyu akazonditi dzava kuma12 pakati peusiku tiende kumugwagwa uko akati kwaiwanikwa motokari dzinosvika kumba kwaSeke,” anodaro Matoto.

Anoti vasvika kumugwagwa weHarare-Marondera, havana kuwana motokari apo murume uyu akazomuti vafambe netsoka kuenda kwaSeke.

“Pfungwa dzangu dzakaita sekunge dzabatwa nechiveve ndava kungobvuma zvose zvaitaurwa nemurume uyu achiti paifambika netsoka. Akatungamira ndokuti ngatimhanyei iye ari pamberi ini ndichitevera. Takamhanya akazotaura kuti tichishandisa mugwagwa wemukati mesango kusvikira ndaneta ndava kudhonza makumbo,”  anodaro Matoto.

Anoti murume uyu aitaura kuti vaifanirwa kunosvika kwaSeke nguva dzekuma5 mangwanani apo vaifamba achingobvunza nguva kwaari.

“Murume uyu aingoti akaona kuti ndaneta ndasara musango kana kuti kure kwakanyanya, aindimirira kana kundidzokera. Zvaindinetsa kuti aiziva sei pekufamba napo sezvo musango matakanga tava kufamba namo maisava nemugwagwa. Dzasvika kuma3 mangwanani, akazonditi tiwedzere kumhanya, ini ndakanga ndaparara nekuneta,” anodaro Matoto.

Anoti vakanosvika pamugwagwa unoenda kuChitungwiza apo murume uyu akamutaurira kuti aida kunomutaridza pamba pake.

“Dzava kuma5 mangwanani, takanosvika pane mumwe munda unotaridza kuti wakarimwa netirakita apo akatanga kumhanya zvakadarikidza ari pamberi pangu. Ini ndakarwadziwa zvikuru panguva iyi, ndakanga ndabvisa bhutsu makumbo azvimba. Tichingopedza munda uyu, takanopinda nemumahuswa padyo nechuru chidiki, murume uyu akabva angonyangarika ipapo,” anodaro Matoto. Anoti akaedza kumutarisa panzvimbo iyi yose akamushaya ndokubva aziva kuti aiva achiperekedzwa nechipoko kana kuti dzimudzangara.

“Ndakatanga kutya nekupera simba muviri ndisisagone kufamba ndichibva ndaridzira nhare mudzimai wangu sezvo ndakanga ndisisazive zvandiri. Ndakazoramba ndichifamba ndikazoona mumwe murume mumunda wandakataurira nyaya iyi achibva ataura kuti munhu uyu chaiva chipoko. Akazondiraira mugwagwa wekuenda kumba kwedu ndokutanga kufamba zvishoma nezvishoma,” anodaro Matoto.

Anoti akatanga kupiswa muviri wese ndokuzofona zvakare kumudzimai wake achimutaurira kuti amuvigire mvura yekunwa kana ave kuuya.

“Mudzimai wangu nehanzvadzi yangu vakazondichingura vakawana ndisisagone kufamba. Vakaita kunditembedzana apo mudzimai wangu akandibereka pakuyambuka rwizi rwekwedu,” anodaro Matoto.

Murume uyu anoti achisvika kumba, makumbo akawedzera kuzvimba uyewo nekunzwa dzungu nekuita manyoka akanyanya.

“Makumbo akaita maturi kuzvimba ndikarwadziwa nemudumbu zvekuita manyoka kubva nguva iyoyo kusvika masikati. Ndakanga ndava kuona madzengerere. Ndinoda kubatsirwa nekuda kwezvandakasangana nazvo izvi, fungai kuita 5 hours uine chipoko zvakaoma,” anodaro Matoto.

Mudzimai wake, Tilda Kutadzaushe (24), anoti akazodziisa mvura yekutova makumbo emurume wake ndokuzomubikira svutugadzike nesadza kuti adzikame.

“Murume wangu akaita mazuva matatu achirwara mushure mekusangana nechipoko ichi,” anodaro.

Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Shumba vemuHarare vanoti Matoto anogona kunge akasangana nechipoko chine hukasha.

“Hongu ichi chipoko asi chine chekuita nemhuri yemurume uyu, zvinogona kunge mufi ane chipoko ichi akapondwa kudzinza remurume uyu semafambiro azvakaita,” vanodaro Gogo Shumba.

Madzibaba Mateu Mupfumbati vemuHarare zvekare vanoti Matoto anoda kubatsirwa nenguva.

“Chipoko ichi chine chirevo kumurume uyu nemhuri yake zvinoda kuti vakuru vafambire nyaya iyi. Vakamusiya akadaro murume uyu anogona kupengeswa nezvakaitika kwaari izvi,” vanodaro Madzibaba Mateu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×