Muchaneta Chimuka
BHANGA reStanbic Bank svondo rapera rakapa rubatsiro rwemari inosvika US$5 880 kusangano reCancer Association of Zimbabwe yekutenga mishonga yevarwere vegomarara, zvikuru avo vanotambura. Mai Junior Mavu, avo vanove mukuru wesangano reCancer Association of Zimbabwe, vanoti mari iyi ichabatsira mukutenga mishonga yevavanhu vanotambura avo vari kushungurudzwa nechirwere chegomarara.
“Tinofara zvikuru nerubatsiro urwu, rwauya panguva iyo tange takaomerwa nekuti zuva nezuva vanhu vari kuuya vachibva kumaruwa nemumaguta vachida mishonga yegomarara asi vachikundikana kuiwana.
‘‘Vamwe varwere vari kufa nechirwere ichi nekuda kwehurombo. Mishonga yacho inodhura uye vamwe vanotofa vasati vavhenekwa nekuti zvinhu zvose zvinoda mari,” vakadaro.
Vanoti chipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals ndicho chinovabatsira mukusarudza varwere vegomarara avo vavanoona kuti vari kunetseka kutenga mishonga.




