Miti 1 000 paChinamhora

TREES
Malven Mugadzikwa

ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zvekurima izvo zvinosanganisira kudyarwa kwemiti nedonzvo rekuti vana vakure vachiziva kuchengetedza zviwanikwa zvenyika. Mashoko aya akataurwa svondo rapera naVaAugustine Mukaro vekambani yeFriends of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, pachikoro cheChinamhora Secondary School, kuDomboshava apo paisimwa miti 1 000.

Bepanhau reKwayedza, rakabatana neNyaradzo, vane chirongwa chekusima miti muzvikoro, makiriniki nemachechi nyika yose nedonzvo rekudzoreredza mazsango eZimbabwe.

Zvikoro zvinoda miti zvinongonyorera kuKwayedza kuti zvinoda miti yakawanda zvakadii.
“Muzvikoro ndimo munofanira kubva ruzivo rwakanyanya rwekusima miti kuburikidza nezvidzidzo zveAgriculture.

Zvidzidzo izvi hazvingogumiri pakuti vana vechikoro vadzidziswe zvirimwa zvemubindu chete asi kuti chero mhando dzemiti. Ngavadzidziswewo kuisima, kuuchika pamwe chete nenzira dzekuichengetedza.

“Kudzidziswa kwevana uku kunoita kuti vave neruzivo urwu vachienda narwo kunharaunda dzavanogara zvichiita kuti vanhu vose vazive kukosha kwemiti nekuichengetdza,” vakadaro VaMukaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutevedzeri wemukuru wechikoro cheChinamhora Secondary, VaJulius Gunzo, vakakurudzira kusimwa pamwe chete nekuchengetedzwa kwemiti vachiti inobatsira zvakawanda muupenyu.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×