Vandudzai zvikoro: Ishe

ISHE Chivero
ISHE Chivero

Kingstone Mapupu
ISHE Chivero vekuMhondoro vari kutsutsumwa nekuda kwekuipa kwakaita zvimwe zvikoro zvemudunhu ravo izvo zvavanoti zvave kuda kuvandudzwa. Vanoti muzvimwe zvikoro dzimba dzekudzidzira dzasakara zvikuru. Ishe ava, VaBrown Shopo (62), vanoti chishuwo chavo kuti vana vafundire mudzimba dzakatsvinda sezvinoitwawo nevekuzvikoro zviri kumaguta nemadhorobha.

“Kubva pakawana nyika kuzvitonga kuzere mugore ra1980, Hurumende yakavaka zvikoro zvitsva zvakawanda kumaruwa uye kune zvimwe zvakagara zviriko izvo zvasakara zvekuti dzimwe dzimba dzekudzidzira dzave kuda kupunzwa kuchivakwa itsva,” vakadaro Ishe Chivero.

Vanoti zvimwe zvezvikoro zvakavakwa kare-kare zvava kuda kuvandudzwa zvinosanganisira St Saviours Marisamhuka, Gonza, Chingwere, Makuvatsine, Mavhudzi neChikowore.

“Zvikoro izvi zvakavakwa kuma1960 kusvika kuma1970 saka zvasakara, zvinoda kuvandudzwa kuti kuvakwe dzimwe dzimba dzekudzidzira nedzevadzidzisi. Ini sashe wekuno, ndinokumbira Hurumende kuti itibatsirewo padambudziko iri pane kuti inozomhanya vana vatsitsirirwa nedzimba dzavanodzidzira kana dzadhirika.”

Vakakumbira zvakare kune vanamuzvinhabhizimisi nevamwe vanobva kudunhu ravo kuti vabatsire mukuvandudzwa kwezvikoro izvi.
“Chikumbiro changu kuvana vemudunhu rangu vanowana kuti vadzoke kumusha kuzovandudza nzvimbo yavo nekubatsirawo muzvikoro nezvakasiyana” vakadaro Ishe Chivero.

Ishe ava vanoti dzimwe dzimba dzinogarwa nevadzidzisi muzvikoro izvi dzakaipa zvekuti mamwe maticha anoguma ave kutiza vachienda kune dzimba dzakanaka.

“Rimwe dambudziko guru randiinaro nderekuti dunhu rangu rinobatanidza nenzvimbo yakagariswa vanhu patsva kudivi reChegutu, Norton, Selous neMusengezi saka dzimwe dzenzvimbo idzi hadzina zvikoro uye kumwe kwacho vana vanodzidzira mudzimba dzaiva dzekupisira fodya,” vakadaro.

Asi vanoti kunzvimbo dzemapurazi dzakaita seNyagori, Norwood neMusengezi kuri kuvakwa zvikoro zvitsva uye zvimwe zvacho zvave kutodzidzirwa.

“Ndinoda zvikoro zvitsva zvinomwe kuti zvivakwe kana ndakatarisa mamiriro akaita dunhu rangu rose.”
Ishe Chivero vakachema-chemawo zvakare nenyaya yekushaika kwezvikoro zvemabasa emawoko mudunhu ravo vachiti vana vakapedza zvikoro vanoguma vave kuenda kumadhorobha nemaguta kunodzidzira mabasa.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×