Muchaneta Chimuka
MUKURARAMA kwevanhu vatema, kune zvimwe zvinhu zvinonzi zvinoera, izvo zvekuti kana munhu akazvipikisa anogona kusangana nejambwa kana kupinda mutsekwende. Zvinoera izvi zvinosanganisira nzvimbo dzakaita seninga, makomo, masango, nzizi nezvimwe. Kunze kwaizvozvo, kune mimwe miti inoera iyo inonzi haifanirwe kusvikwa nayo pamusha kana kuti kushandiswa sehuni lana bango.
Mumwe wemiti iyi – muminu – unonzi hautombotenderwa kusvikwa nawo pamusha uye izvi zvikaitika zvinokwezva “twakawanda”.
Kwayedza yakaita tsvakurudzo pamusoro pemuti unoyera uyu ikaudzwa zvakawanda.
VaKillian Chitaunhike (73) vekwaSabhuku Mutake, kwaShe Chinamhora, kuDomboshava, vanoti muminu unozivikanwa zvakare nekunzi “murwisanisa vakuru” apowo vamwe vagari vekuMasvingo vachiudaidza kuti “munyamharadza”.
Zita remuti uyu rinonzi rakauya nekuda kwekuparadzanisa vanhu uko unonzi unokonzeresa.
“Makare vanhu vakuru vaizviziva kuti muti uyu hautofaniri kupinzwa muchivanze nekuti vanhu vanopinzwa pamiyedzo yekuuvesa pakamuka bongozozo. Muminu haufaniri kuveswa zvachose uye unoita semheni kuputika-putika apo unenge uchibvira zvekuti mbatya dzinotogona kutsva.
“Unoparadzanisa vanhu muwanano dzavo kana pakugarisana semhuri uchiunza kungonetsana kusinganzwisisike. Haufaniri zvekare kukuchidzirwa,” vanodaro.
Vanoti muti uyu uchiri kuyera kusvikira nanhasi uno.
“Hazvikwanisiki kuti titendeke misha yakaparadzwa nekuda kwekuvesa muminu asi iriko. Ndinodaro nekuti panonetsana vanhu havashaiwo zvimwe zvikonzero zvavanozotutsira kuti pave nenyaya. Asi tinotoona kuti wanano iyoyo yaisafanira kuparadzwa nhando nekuti zvimwe zvezvikonzero zvacho zvinenge zviri zvidiki kwazvo. Kune mukadzi anotogona kurambirwa kuti atyora chipunu chekupakurisa muriwo agotutiswa twake nyambisirwa anogona kunge akatora huni dzine muti uyu akavesa asingazive.”
Muminu unonzi unowanzowanikwa kunzvimbo dzakaita kunge gwenga.
“Unoshandiswa zvakare mukurapa zvimwe zvirwere zvakaita semanyoka nenjovhera,” vanodaro VaChitaunhike.
Vanoti kune dzimwe nhubu dzinoshandisa muti uyu nechinangwa chekuti vanhu vanetsane.
“Muti uyu unoshandiswa kunyanya nemunhu anenge aine chinangwa chekuparadza achiusanganisa nemimwe mishonga. Munhu anogona kungosvika achiudonhedza pamusha kana muhofisi memunhu asingaone.
‘‘Munongozoona kuti panongoita nyaya dzisingaperi pakambani vanhu vachinetsana nezvinhu zvisina maturo kana kupomerana mhosva dzinotoita kuti mumwe adzingwe basa.
“Muvengi anotora makwati nemidzi yemuti uyu osanganisa nemimwe mishonga achideketera mazita evanhu vaanoda kuti vanetsane.”
Muminu unonzi zvakare ukashandisirwa kumunhu unopa rushambwa rwakaipa zvekuti anogona kutovengwa zvakanyanya asi pasina mhosva yaapara.
VaChitaunhike, avo vaimboita mabasa ehurapi, vanoti vanoziva makwenzi gumi nefararira anorapa zvirwere zvakasiyana.
“Ndinoziva mishonga yakawanda nekuti ndaimbove murapi wechivanhu asi ndikazosiya nekuda kwekunamata. Ndinongokurudzira vanhu kuti vazive miti inoyera kuti vasazopinde mumatambudziko. Ndiko kusaka kare madzishe aikurudzira vanhu kuti varemekedze masango nekuti anoyera,” vanodaro.
Kunze kwemuminu, vamwewo vanoti madzimai nevanasikana havafaniri kubvisa kana kuti kuhorera tsvina yembwa sezvo ichinzi inounza rushambwa rwekurambwa rwakangofanana nerwunokonzerwa nemuti uyu.
Munguva pfupi yadarika, vaimbova gurukota rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Savoiur Kasukuwere, vakakurudzira varimi kuti
vakoshese zviwanikwa zvakaita semiti kuti zvisaparadzwe.
“Miti inokosha zvikuru muupenyu hwedu uye imhosva kungotema miti pasina kudyara mimwe nekuti zvinoita kuti nyika ive gwenga. Ngatidzokerei kuchinyakare chedu apo madzishe nemadzimambo vakange vachiyeresa masango vachipa zviga sekuti hamaifambwa munhu aine shangu.
“Zviyerwa izvozvo zvakakosha nekuti zvaiita kuti masango, nzizi nemhuka zvinge zvichirarama zvakafaranuka zvichiitawo kuti isu vanhu tive neupenyu hunoendeka,” vakadaro apo vaitaura pamusangano nevarimi vekwaRusape.
VaMartin Musinga (40) vekuNyanga, vanoti muti wavanoziva unoyera unonzi mubvamaropa uyo unogona kukonzeresa rufu kana hurwere hwakakomba kana uchinge waunzwa mumusha.
“Mubvamaropa unounza rushanbwa rwerufu kana hurwere. Hauveswi kana kupinzwa muchivanze. Muti uyu hauome nhando zvekuti chero vanhu vakaedza kuutyora kana uchiri mudiki unoramba wakamira,” vanodaro VaMusinga.
VaBheki Siwela (50) vekuMberengwa vanotiwo mutara unoyera uye bazi rawo rinowanzotemwa richiiswa pamakuva.Mashoko avo akatsinhirwa naVaJeremiah Mbofana (68) vekuBudiriro, muHarare, vachiti mutara hauveswi moto kana kuiswa muchivanze nekuti unoera.
“Kana pachinge pafiwa, ndipo bedzi pakakodzera kuti mutara utemwe, sanzu rawo rokandwa pamusoro peguva. Kana ukaunzwa muchivanze unoshura rufu kana hurwere hunosvitsa mukufa,” vanodaro.
Sekuru Elisha Mutanga, avo vanove mukuru wezvetsvakurudzo yezvemishonga (medical research) kusangano reZinatha vanoti kune mimwe miti inoera isingafanirwe kushandiswa sehuni kana kusvikwa nayo pamusha.
“Isu sevarapi vechivanhu hatiwanzoda kuti miti iyi ishambadzwe nekuti vamwe vanhu vanogona kuzoitora vachiishandisa pamadaka avanenge vainawo nehama kana vavanoshanda navo,” vanodaro.




