Daphne Machiri
MURUME wekuEpworth anonzi ashura mare nekusungutsa vanhukadzi vakazvitakura apo anenge akasvikirwa nemudzimu kana kuti akabatwa nemweya wengirozi yekuporofita. uye akatanga kuita basa iri mugore ra1996. VaSingLawyer Mushunje (51) vanogara panhamba 2146 kuZvidozvevanhu, havana mudzimai uye vanoti izvi hazvivatadzise kuita basa ravakatanga makore akawanda adarika.
Murume uyu anoti inhengo yeZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA) kunyangwe zvazvo pachikwangwari chiri pamba pake akanyora kuti inhengo yeZinatha.
VaMushunje vanoti vanopinda chechi yeChiyedza Apostolic Church, iyo yavanoti inobvumidza vatendi vayo kunamata vachishandisa mishonga pamwe nekuita zvechivanhu.
Nyamukuta uyu anoti akatanga kusunungutsa mudzimai wake mugore ra1996.
Sekuru Mushunje vanoti pakusunungutsa, vanonamatira mvura iyo vanopa madzimai anenge akazvitakura panguva iyo vanenge vakasvikirwa.
“Ndakatanga kurapa mugore ra1972, ndichibva kwaSabhuku Batsira, kuBocha kwaMarange. Ndinorapa pachivanhu, ndinobata zvemumisha kune avo vanoromba mishonga yekuuraya yakaita sematende, makona nemadumwa. Ndakaita nyamukuta mushure mekunge mudzimai wangu anonoka kuenda kuchipatara ndipo pandakasvikirwa nemudzimu ndikamusunungutsa,” vanodaro.
“Izvi zvakaitika mugore ra1996 pamwana wangu mukomana, ndiye akava wekutanga. Ndakwanisa kubatsira madzimai akawanda, kusanganisira wangu mwana.” Vanoti pamadzimai avanobatsira, vakawanda vavo vanenge vadarika nguva yavo yekusununguka.
“Mamwe emadzimai andakabatsira vakanga vasvika mwedzi gumi nemiviri vasina kusununguka.“Ndikapedza kusunungutsa, ndinoenda nemadzimai aya kuchipatara kuti vanotariswawo nekuti vapihwe matsamba ekuzotoresa vana magwaro ekuzvarwa. Zvose zvandinoshandisa pakusunungutsa ndinotenga ndega uyezve ndine chivimbo chekuramba ndichibatsira,” vanodaro Sekuru Mushunje.
Vanoti madzimai avanosunungutsa vanovapa zvinhu zvakasiyana sesipo, mari neshuga semuripo.
Vachibvunzwa kuti hazvina kuvaomera here kusunungutsa vanhukadzi semunhurume, vanoti hapana chinonetsa sezvo vanenge vakapoterwa nemudzimu kana “mweya mutsvene”.
“Hapana chandinonzwa pakuita basa iri semurume. Zvose zvebasa iri zvinoitwa nemashavi ari pandiri pasina kuchiva madzimai andinosunungutsa,” vanodaro.
Vanoti mukuita basa ravo iri dzimwe nguva vanobatsirwa naambuya nyamukuta, Mbuya Rena Dhambe (70).
Sekuru Mushunje vanoshandisa mipanda miviri yedzimba pakuita basa ravo uye vanoti chishuwo chavo ndechekuti vawane mari yekuvaka imba yakakura yekuti madzimai avanobatsira vagare vakasununguka.
Pamba panyamukuta uyu pane chimbuzi chimwe chete.
Mbuya Dhambe vanoti hunyamukuta hwavo hwakabva kuna amai vavo.
“Ndakakura ndichiona amai vangu vachisunungutsa madzimai emunharaunda yataigara zvikabva zvapinda mandiri. Mugore ra1963 ndakazvisunungutsa mwana wangu ndega ndashaya mari yekuenda kuchipatara pamwana wangu wechipiri uye kubva ipapo ndikazozvisunungutsazve mumwe mwana,” vanodaro Mbuya Dhambe.
Vanoti kusvika pari zvino vasunungutsa madzimai anodarika 80.
“Ndakazoenda kuchikoro kwemakore matatu paDomboramwari Clinic uko ndakadzidziswa zvakawanda maererano nezvekusunungutsa.”
NYAMUKUTA murume-18/09/15
Sekuru SingLawyer Mushunje
Chitupa
Mbuya Rena Dhambe
Imba (mavanosunungutsira)
Madzimai akasunungutswa




