‘Ndakasiirwa chikorobho bedzi’

Kudakwashe Chinokuya
MUMWE murume akapotsa aridza mhere mudare apo aitaura pamusoro pekushungurudzwa kwaari kuitwa neaimbove mudzimai wake uyo waanoti anofamba achitaurira vanhu kuti murwere uye akamutorera midziyo yose yemumba ndokumisiira chikorobho chete. Fungai Kujenga akamhan’arira Dorothy Zinyemba kuHarare Civil Court achiti: “Anogara achitaura nezveutano hwangu paruzhinji achiti ndakamurambirei. Anotaurira musikana wandiri kudanana naye kuti ini handigone rudo achida chete kuti tirambane.

“Ndakarambana nemukadzi uyu mushure mekunge atora midziyo yose akasiya chikorobho chete. Takagariswa dare natete vake ndakamupa gupuro mune zvakanaka.

“Tarambana kudaro, ava kugara achiuya kumba achindinetsa. Musikana wandiri kudanana naye haachanzwisisa achifunga kuti ndichiri kudanana naye.

“Akauya kumba kwangu rimwe zuva achiti zvawakandiramba ndava kuzvisungirira. Akauyazve kuchechi achiudza vanhu kuti tichiri kudanana. Saka ini ndinoda kuti asauya kumba kwangu nekubasa.”

Zinyemba akapokana naKujenga achiti aigara achimushungurudza zvinova zvakaita kuti varambane.
“Changamire, zvose zvarehwa nemurume uyu manyepo. Baba ava vaigara vachindirova zvinova zvakaita kuti ndibve pamba apa. Kuti ndizopihwa gupuro ndakanga ndatoudza musikana wake kuti amutaurire kuti haasati andiramba sekundiroora kwaakaita zvinova zvakazoita kuti vadane tete.

“Ini kumba kwavo handiende asi ivo mazuva apfuura vakauya kumba vakadhakwa vakangwejenura dhoo rangu vachindibvunza kuti ndakapihwa here mapepa ekuno kudare,” akadaro.
Mutongi Barbara Mateko akapa Kujenga gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×