‘Mjolo haubhadhare’. . . ndayaura nechirwere chepabonde

Kingstone Mapupu
MUKOMANA ane makore 25 ekuberekwa anopinda imwe chechi ine mukurumbira uye achigara pakomboni kuMt Hampden anoti asakadzwa nechirwere chepabonde kana kuti njovhera icho chisiri kurapika.

Tendai Nyamapfeni (25), uyo kumusha anobva kuNjeramo kwaMutare, anoti akanyengerwa nevamwe vakomana vaanonamata navo ndokubva ashinha nemumwe mudzimai anotengesa muviri anogara kune imwe komboni munzvimbo iyi.

Izvi zvakaita kuti apedzisira abatwa nenjovhera.

“Ndine dambudziko randinetsa rechirwere chenjovhera icho ndakabata gore rakapera. Ndakashinha nemumwe mudzimai anobva muno muMt Hampden mushure mekunyengerwa nevamwe vakomana vandinonamata navo kuchechi yandinopinda. Vakanditi ndaifanirwa kudanana nevasikana ndokubva vandipfimbira mumwe mudzimai anova mukuru kwandiri uyo ndakashinha naye panova pakatangira dambudziko rangu,” anodaro Nyamapfeni.

Anoti nemusi wa28 Chivabvu gore rakapera, akabva pamba ndokuenda kunochajisa nhare yake pamba pevamwe vakomana avo vakazomufurira kuti apotewo achiita zvevasikana, vachiti ndizvo zvinotaridza kuti munhu wechirume.

“Ndapedza kuchajisa nhare, vakomana ava vakanditora kuenda neni kune mumwe madzimai anotengesa muviri muno muMt Hampden uyo ndakashinha naye. Pakarepo, sikarudzi yangu yakabva yatanga kuvava nekushosha nekubaiwa-baiwa mukati. Dambudziko iri rakazokura nekufamba kwenguva ndikaenda kuna mufundisi vakambondinamatira asi zvikaramba kupera,” anodaro Nyamapfeni.

Anoti akazozivisa vabereki vake nezvechirwere ichi vachibva vamupa mari akanorapwa, kupihwa mapiritsi nekubaiwa majekiseni kakawanda asi chirwere ichi hachina kupera.

“Ndakazotanga kudurura dope rinonhuhwa kubva kusikarudzi yangu uye kunyange pakuita tsvina ndinorwadziwa. Ndaimboshanda asi nekuda kwehurwere uhwu, ndakasiya basa sezvo musana zvakare wava kurwadza zvekuti imwe nguva handigone kurara kana

kugara zvakanaka. Kufamba chaiko kunondinetsa, ndinogara ndakazvisunga nejira musana kusvika kudumbu nekurwadziwa,” anodaro Nyamapfeni.

Anoti muviri wake, kusanganisira musoro nemutsipa, zvinomurwadza zvikuru.

“Vabereki vangu kubva pavakandirapisa vanofunga kuti chirwere ichi chakapera asi ndakavataurira kuti hachina. Dambudziko ravepo nderekuti havasisinawo mari yekuti vagone kundirapisa sezvo kwandinoenda kuzvipatara nekumakiriniki kuchinzi kunodiwa mari.

Ndinochema kuruzhinji nekuda kwemari yekurapiswa kuti vandibatsirewo. Mufundisi wedu muno akangonyarara zvinoreva kuti vamwe vekuchechi hapana anoziva nyaya iyi,” anodaro Nyamapfeni.

Anoti ava nefungidziro yekuti angangodaro akabatwa nerukawo kubva pakushinha kwaakaita nemudzimai uyu sezvo chirwere ichi chisiri kurapika.

“Zvakadai, sikarudzi yangu inozvimba nekuita maduzu nemhezi ichibuda mvura. Imwe nguva handigone kuita weti zvakanaka nekurwadziwa. Ndinoda kubatsirwa, vanogona kundibatsira ngavandifonere panhamba dzinoti 0771 455 304,” anodaro Nyamapfeni.

Anoti akaenda akanoonana nemudzimai akamuzadza njovhera uyu asi akabva atiza munzvimbo iyi.

“Yambiro yangu kune vechidiki nekuda kwenjovhera yandinoonesa chitsvuku iyi ndinoti vasiyane ne ‘mjolo’ haubhadhare asi kuti unotarisana nerufu uyewo ndinonzwa kuti mudzimai akandizora uyu apedza varume nekuvapa ‘sick’, zvikuru vechidik. Pamwe ndakatarisana nerinda, hamheno,” anodaro Nyamapfeni.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×