Mogo Vibes, Lady D vapihwa mibairo yemasitendi

Abel Ndooka

VAIMBI veZim-dancehall vari kusimukira vanoti Fortune ‘Mogo Vibes’ Mandishona naDiana ‘Lady D’ Jonasi vakapihwa masitendi ekuvaka dzimba kuDonnybrook muHarare zvichitevera kuhwina kwavakaita kudopiro reHarare Cup Clash.

Vaviri ava vakahwina kumutambo uyu, uyo wakaitwa nguva pfupi yadarika, apo Prophet Kudakwashe Jose vakabva vakavapa masitendi.

Vachitaura pachiitiko ichi, Prophet Jose vakasimbaradza shoko rekuti vechidiki vanofanirwa kubva mune zvinodhakwa uye vave vanhu vanotya Mwari izvo  zvakavatuma kubatana nevaimbi veZim-dancehall mukurwisa kushandiswa kwezvinodhaka.

“Ndinoti makorokoto kune vaimbi vaviri ava, Mogo Vibes naLady D, nekuhwina kwamakaita kumutambo weHarare Cup Clash. Isu sekereke shoko redu tinoti ivai mucherechedzo wakanaka kune vechidiki vakawanda murwise zvinodhaka.

“Mwari anokudai, ibvai mune zvinodhaka ndakumbirisa, masitendi aya vakai dzimba mugare makasununguka, ngadzisave dzimba dzinoitwa zvezvinodhaka,” vanodaro.

Achitaura apo aigamuchira sitendi yake, Mogo Vibes anoti kushanda nesimba nekuzvininipisa kwakakosha zvikuru uye ndizvo zvakamubatsira kuti ahwine kumutambo uyu.

“Shoko rangu kune vamwe vaimbi ndinoti ngatizvininipisei pane zvose zvatinoita, tinokunda muhupenyu uye tinosvika kure.

“Ini handina kumbobvira ndazvifungira kuti ndichazohwina sitendi nekuda kwekuimba, saka ndinoti kune vechidiki ngatishande nesimba uye tizvibate pane zvose zvatinoita,” anodaro.

Anoenderera achiti: “Dombo, dombo (zvinodhaka) zvakuvadza vechidiki, ndinochema kuti ngatisiyanei nedombo nekuti hapana kwatinosvika. Ini handidi kuona chinhu chinonzi dombo, ngatibatane mukurwisa dombo iro rapedza vechiki vakawanda.”

Achitaurawo, Lady D anoti, “Ini handina neremuromo, ndine kutenda kukuru nekuti handina kumbobvira ndazvitarisira kuti ndichazowana imba nekuda kwekuimba. Ndinokurudzira vamwe vanhukadzi kuti huyai tishande kubika mhanzi inovaka nyika nekuti honai mubairo unouya.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×